Rwiyo Rwokukwira.
132 Haiwa Jehovha, yeukai Dhavhidhi+
Kunyadziswa kwake kwose;+
2 Kupika kwaakaita kuna Jehovha,+
Mhiko yaakaita kune Ane Simba+ waJakobho achiti:+
3 “Handizopindi mutende reimba yangu.+
Handizokwiri pamubhedha wepokurara pangu pakuru,+
4 Handizobvumiri kuti maziso angu arare,+
Kana kubvumira kuti maziso angu anopenya akotsire,+
5 Kusvikira ndawanira Jehovha nzvimbo,+
Tebhenekeri huru nokuda kweAne Simba waJakobho.”+
6 Tarirai! Takanzwa nezvayo tiri muEfrata,+
Takaiwana muminda yomusango.+
7 Ngatipindei mutebhenekeri yake huru;+
Ngatikotamei tiri pachitsiko chetsoka dzake.+
8 Haiwa Jehovha, simukai, muende kunzvimbo yenyu yokuzororera,+
Imi neAreka+ yesimba renyu.+
9 Vapristi venyu ngavapfeke kururama,+
Vakavimbika venyu vashevedzere nomufaro.+
10 Nokuda kwomushumiri wenyu Dhavhidhi,+
Musafuratidza chiso chomuzodziwa wenyu.+
11 Jehovha akapika kuna Dhavhidhi,+
Chokwadi haazoregi kuzviita, achiti:+
“Mumwe pazvibereko zvedumbu rako+
Ndichamuisa pachigaro chako choumambo.+
12 Kana vanakomana vako vakachengeta sungano yangu+
Nezviyeuchidzo zvangu zvandichavadzidzisa,+
Vanakomana vavowo+
Vachagara pachigaro chako choumambo nokusingaperi.”+
13 Nokuti Jehovha akasarudza Ziyoni;+
Akarisuwa senzvimbo yake yokugara+ achiti:
14 “Iyi ndiyo nzvimbo yangu yokuzororera nokusingaperi;+
Ndichagara pano, nokuti ndakapasuwa.+
15 Chokwadi ndichakomborera zvokudya zvaro.+
Ndichagutsa varombo varo nezvokudya.+
16 Ndichapfekedza vapristi varo ruponeso;+
Chokwadi vakavimbika varo vachashevedzera nomufaro.
17 Ndichaita kuti nyanga yaDhavhidhi ikure imomo.+
Ndakarongedzera muzodziwa wangu rambi.+
18 Ndichapfekedza vavengi vake nyadzi;+
Asi korona+ yake ichabudirira+ iri paari.”