Mapisarema
Rwiyo rwaDhavhidhi.
144 Jehovha ngaarumbidzwe, iye Dombo rangu,+
Iye anodzidzisa maoko angu kurwa,+
Uye minwe yangu hondo;
2 Ndiye mutsa wangu worudo nenhare yangu,+
Nzvimbo yangu yakakwirira yakachengeteka noMupukunyutsi wangu,+
Nhoo+ yangu noMunhu wandakapotera kwaari,+
Iye anokunda marudzi achiaisa pasi pangu.+
7 Tambanudzai maoko enyu muri kumusoro;+
Ndisunungurei mundinunure pamvura zhinji,+
Paruoko rwevokune imwe nyika,+
8 Vane miromo yakataura zvinhu zvisiri zvechokwadi+
Vane maoko orudyi ari maoko orudyi enhema.+
9 Haiwa Mwari, ndichakuimbirai rwiyo rutsva.+
Ndichakuimbirai nechiridzwa chine tambo gumi,+
10 Iye anopa madzimambo ruponeso,+
Iye akasunungura mushumiri wake Dhavhidhi pabakatwa rinokuvadza.+
11 Ndisunungurei mundinunure muruoko rwevokune imwe nyika,+
Vane miromo yakataura zvinhu zvisiri zvechokwadi+
Uye vane maoko orudyi ari maoko orudyi enhema,+
12 Vanoti: “Vanakomana vedu vakaita semiti miduku yatokura ivo vachiri vaduku,+
Vanasikana vedu vakaita semabwe epakona akavezwa sezvinoitwa epamuzinda,
13 Matura edu akazara, ane zvinhu zvemarudzi ose,+
Makwai edu ari kuwedzera nezviuru, rimwe chete richibereka zviuru gumi, kunze.
14 Mombe dzedu dzine mazamu, pasina inotsemuka uye inosvodza,+
Uye pasina kushevedzera munzvimbo dzedu dzinoungana vanhu.+