Mapisarema
Rwiyo rwaDhavhidhi.
2 Nokuti iye akaisimbisa kwazvo pamusoro pemakungwa,+
Uye anoramba akaisimbisa kwazvo pamusoro penzizi.+
4 Ani naani ane maoko asina mhosva neane mwoyo wakachena,+
Asina kuitira mweya Wangu zvinhu zvisina zvazvinobatsira,+
Kana kuti kuita mhiko nokunyengera.+
6 Ichi ndicho chizvarwa chevaya vanomutsvaka,
Chevaya vanotsvaka chiso chenyu, haiwa Mwari waJakobho.+ Sera.
7 “Simudzai misoro yenyu, haiwa imi magedhi,+
Simukai, haiwa imi masuo anogara kwenguva refu,+
Kuti Mambo anokudzwa apinde!”+
8 “Saka, ndiani uyu Mambo anokudzwa?”+
“Ndiye Jehovha akasimba uye ane simba,+
Iye Jehovha ane simba pakurwa.”+