Isaya
27 Pazuva iroro Jehovha+ achatonga Revhiatani,+ iyo nyoka inozvonyongoka,+ Revhiatani nyoka yakagonyana, uye achauraya zimhuka romugungwa+ riri mugungwa nebakatwa+ rake rakaoma, guru uye rakasimba.
2 Muimbirei+ pazuva iroro, muchiti: “Munda wemizambiringa+ wewaini inopupuma! 3 Ini, Jehovha, ndiri kuuchengetedza.+ Ndichaudiridza+ nguva dzose. Kuti parege kuva nomunhu anofunga zvokuuparadza, ndichauchengetedza usiku nemasikati.+ 4 Handina kutsamwa.+ Ndiani achandipa makwenzi eminzwa+ nemasora pakurwa? Ndichazvitsika. Ndichazvipisa nomoto panguva imwe chete.+ 5 Kana asingadi kuti zvidaro ngaabate nhare yangu, ngaave norugare neni; ngaave norugare neni.”+
6 Jakobho achadzika midzi pamazuva anouya, Israeri+ achatumbuka uye achatungira; vachazadza nyika inobereka nezvibereko.+
7 Iye angamurova sokurohwa kwaakaitwa nouya akamurova here? Kana kuti angaurayiwa sokuurayiwa kwakaita vakaurayiwa vake here?+ 8 Mucharwisana naye nokushevedzera kwokutyisidzira pamunenge muchimudzinga. Iye achamudzinga nemhepo yake ine simba kwazvo muzuva remhepo yokumabvazuva.+ 9 Naizvozvo kukanganisa kwaJakobho kuchayananisirwa+ saizvozvi, uye izvi ndizvo zvibereko zvose paanobvisa chivi chake,+ paanoita matombo ose eatari sematombo omunyakwe akuyiwa, zvokuti matanda matsvene+ nezvigadziko zvokupisira rusenzi hazvizomiri.+ 10 Nokuti guta rakavakirirwa richava roga, mafuro achasiyiwa ari oga uye achasiyiwa serenje.+ Mhuru ichafura imomo, icharara pasi imomo; uye iye achapedza matavi aro.+ 11 Nhungirwa dzaro padzinooma, vakadzi vari kupinda vachadzityora, vachidzipisa.+ Nokuti irwo harusi rudzi runonzwisisa.+ Ndokusaka Muiti warwo asingazorunzwiri ngoni, uye Muumbi wavo asingazorunzwiri nyasha.+
12 Zvino pazuva iroro Jehovha achazunza muchero,+ kubvira parukova runoyerera rwoRwizi+ kusvikira kumupata une rukova weIjipiti,+ uye muchanhongwa mumwe pashure pomumwe,+ haiwa imi vanakomana vaIsraeri. 13 Pazuva iroro hwamanda huru icharidzwa,+ uye vaya vari kuparara munyika yeAsiriya+ nevaya vakapararira munyika yeIjipiti+ vachauya vokotamira+ Jehovha mugomo dzvene riri muJerusarema.+