Johani
15 “Ndini muzambiringa wechokwadi,+ uye Baba vangu ndivo murimi.+ 2 Bazi rose riri pandiri risingabereki zvibereko vanoribvisa,+ uye rose rinobereka zvibereko vanorichenesa,*+ kuti ribereke zvibereko zvizhinji.+ 3 Makatochena nokuda kweshoko randakataura kwamuri.+ 4 Rambai muri pamwe neni, uye ini ndiri pamwe nemi.+ Bazi zvarisingagoni kubereka zvibereko riri roga kunze kwokuti rikaramba riri pamuzambiringa, saizvozvo imiwo hamungagoni, kunze kwokunge maramba muri pamwe neni.+ 5 Ndini muzambiringa, imi muri mapazi. Anoramba ari pamwe neni, uye ini ndiri pamwe naye, iyeyu anobereka zvibereko zvizhinji;+ nokuti hamungambogoni kuita chinhu musiri pamwe neni. 6 Kana munhu asingarambi ari pamwe neni, anokandwa kunze sebazi ooma; vanhu vanounganidza mapazi iwayo voakanda mumoto uye anopiswa.+ 7 Kana mukaramba muri pamwe neni uye mashoko angu akaramba ari mamuri, kumbirai chose chamunoda uye muchachiitirwa.+ 8 Baba vangu vanokudzwa neizvi, kuti munoramba muchibereka zvibereko zvizhinji uye munoratidza kuti muri vadzidzi vangu.+ 9 Baba zvavakandida+ ini ndikakudai, rambai muri murudo rwangu. 10 Kana mukachengeta mirayiro yangu,+ mucharamba muri murudo rwangu, ini zvandakachengeta mirayiro yaBaba+ ndikaramba ndiri murudo rwavo.
11 “Ndataura zvinhu izvi kwamuri, kuti mufaro wangu uve mamuri uye mufaro wenyu uzadziswe.+ 12 Uyu ndiwo murayiro wangu, kuti mudanane sokuda kwandakakuitai.+ 13 Hapana ane rudo rukuru kune urwu, kuti mumwe munhu ape mweya wake nokuda kweshamwari dzake.+ 14 Imi muri shamwari dzangu kana muchiita zvandiri kukurayirai.+ 15 Handichatizve muri varanda, nokuti muranda haazivi zvinoitwa natenzi wake. Asi ndati muri shamwari,+ nokuti ndakakuzivisai zvinhu zvose zvandakanzwa kuna Baba vangu.+ 16 Hamuna kundisarudza, asi ini ndakakusarudzai, uye ndakakugadzai kuti mupfuurire uye murambe muchibereka zvibereko+ uye kuti zvibereko zvenyu zvirambe zviripo; kuti pasinei nechamunokumbira Baba muzita rangu vakupei icho.+
17 “Ndinokurayirai zvinhu izvi, kuti mudanane.+ 18 Kana nyika ichikuvengai, munoziva kuti yakandivenga isati yakuvengai.+ 19 Kudai maiva venyika, nyika yaizoda zviri zvayo.+ Zvino nokuti hamusi venyika,+ asi ndakakusarudzai munyika, nokuda kweizvi nyika inokuvengai.+ 20 Yeukai shoko randakataura kwamuri kuti, Muranda haasi mukuru kuna tenzi wake. Kana vakanditambudza, vachakutambudzaiwo;+ kana vakachengeta shoko rangu, vachachengetawo renyu. 21 Asi vachakuitirai zvinhu zvose izvi nokuda kwezita rangu, nokuti havazivi iye akandituma.+ 22 Kudai ndakanga ndisina kuuya ndikataura kwavari, vangadai vasina chivi;+ asi zvino havana chokuzvipembedza nacho nokuda kwechivi chavo.+ 23 Anondivenga anovengawo Baba vangu.+ 24 Kudai ndakanga ndisina kuita pakati pavo mabasa asina kumboitwa nomumwe munhuwo zvake,+ vangadai vasina chivi;+ asi zvino vakaona uye vakavenga ini naBaba vangu.+ 25 Asi zvakaita saizvozvo kuti shoko rakanyorwa muMutemo wavo rizadzike, rokuti, ‘Vakandivenga pasina chikonzero.’+ 26 Pachasvika mubatsiri wandichakutumirai kubva kuna Baba,+ iwo mudzimu wechokwadi, unobva kuna Baba, iyeye uchandipupurira;+ 27 uye imiwo, munofanira kupupura,+ nokuti mave muineni kubvira pandakatanga.