1 VaKorinde
1 Pauro, akadanwa kuti ave muapostora+ waJesu Kristu nokuda kwaMwari,+ uye Sositenesi+ hama yedu 2 kuungano yaMwari iri muKorinde,+ kunemi makatsveneswa+ muri pamwe naKristu Jesu, makadanwa kuti muve vatsvene,+ pamwe navose vari kwose kwose vari kudana zita+ raShe wedu, Jesu Kristu, Ishe wavo nowedu:+
3 Mutsa usina kukodzera kuwanwa+ norugare+ zvinobva kuna Mwari Baba vedu naShe Jesu Kristu+ ngazvive nemi.
4 Ndinogara ndichionga Mwari nokuda kwenyu, nokuda kwomutsa usina kukodzera kuwanwa+ waMwari wamakaitirwa nomuna Kristu Jesu;+ 5 kuti muzvinhu zvose makapfumiswa+ maari, pakukwanisa kutaura zvizere nepazivo izere,+ 6 sokusimbiswa kwakaitwa uchapupu pamusoro paKristu+ pakati penyu, 7 zvokuti hapana kana chipo+ chamunoshayiwa, pamunenge muchimirira kuratidzwa+ kwaShe wedu Jesu Kristu nomwoyo wose. 8 Iye achakusimbisaiwo+ kusvikira pamugumo, kuti musava nemhosva yamunopomerwa+ pazuva+ raShe wedu Jesu Kristu.+ 9 Mwari akatendeka,+ uye ndiye akakudanai kuti mugoverane+ noMwanakomana wake Jesu Kristu Ishe wedu.
10 Zvino ndinokurayirai,+ hama, nezita+ raShe wedu Jesu Kristu kuti imi mose mutaure muchibvumirana,+ uye kuti hapafaniri kuva nokupesana+ pakati penyu, asi kuti munyatsobatanidzwa mupfungwa imwe chete nomukufunga kumwe chete.+ 11 Nokuti ndakaziviswa+ pamusoro penyu, hama dzangu, nevaya veimba yaKroe, kuti pakati penyu pane kukakavadzana. 12 Zvandiri kureva ndezvokuti, mumwe nomumwe wenyu anoti: “Ini ndiri waPauro,” “Ini ndiri waAporo,”+ “Ini ndiri waKefasi,” “Ini ndiri waKristu.” 13 Saka Kristu aripo akakamuka.+ Ko Pauro akarovererwa nokuda kwenyu here? Kana kuti makabhabhatidzwa+ muzita raPauro here? 14 Ndinoonga Mwari kuti hapana mumwe wenyu wandakabhabhatidza kunze kwaKrispo+ naGayo,+ 15 kuti parege kuva neangati makabhabhatidzwa muzita rangu. 16 Chokwadi, ndakabhabhatidzawo imba yaStefanasi.+ Kana vari vamwe vose, handizivi kana paine mumwezve wandakabhabhatidza. 17 Nokuti Kristu haana kundituma+ kuti ndifambe ndichibhabhatidza, asi kuti ndifambe ndichizivisa mashoko akanaka, kwete nouchenjeri hwokutaura,+ kuti danda rokutambudzikira raKristu rirege kuitwa kuti rive risina zvarinobatsira.
18 Nokuti kutaura pamusoro pedanda rokutambudzikira upenzi+ kune vaya vari kuparara,+ asi kwatiri vari kuponeswa,+ isimba raMwari.+ 19 Nokuti zvakanyorwa kuti: “Ndichaita kuti uchenjeri hwevanhu vakachenjera huparare,+ uye ndichasundira parutivi+ ungwaru hwevanhu vakangwara.”+ 20 Munhu akachenjera ari kupi? Munyori ari kupi?+ Munhu ane nharo+ womumamiriro ezvinhu epanguva ino ari kupi?+ Mwari haana kuita kuti uchenjeri hwenyika ino huve upenzi here?+ 21 Nokuti maererano nouchenjeri hwaMwari, nyika zvaisina kusvika pakuziva Mwari+ nouchenjeri hwayo,+ Mwari akaona zvakanaka kuti aponese vaya vanotenda noupenzi+ hwezvinoparidzwa.
22 Nokuti vaJudha vanokumbira zviratidzo+ uye vaGiriki vanotsvaka uchenjeri;+ 23 asi isu tinoparidza Kristu akarovererwa,+ izvo zviri chikonzero chokugumbuka kuvaJudha+ asi upenzi kune mamwe marudzi;+ 24 zvisinei, kune vaya vakadanwa, vaJudha nevaGiriki, Kristu isimba+ raMwari nouchenjeri+ hwaMwari. 25 Nokuti chinhu chaMwari chinonzi ndechoupenzi chakachenjera kupfuura vanhu, uye chinhu chaMwari chinonzi hachina simba chakasimba kupfuura vanhu.+
26 Nokuti munoona kukudanai kwaakaita, hama, kuti havasi vazhinji vevakachenjera+ panyama vakadanwa,+ havasi vane simba vazhinji,+ havasi vazhinji veimba huru; 27 asi Mwari akasarudza zvinhu zvoupenzi zvenyika,+ kuti anyadzise vanhu vakachenjera; uye Mwari akasarudza zvinhu zvisina simba zvenyika, kuti anyadzise zvinhu zvakasimba;+ 28 uye Mwari akasarudza zvinhu zvakaderera zvenyika nezvinhu zvinozvidzwa, zvinhu zvisipo,+ kuti aparadze+ zvinhu zviripo, 29 kuti parege kuva nomunhu angazvirumbidza+ pamberi paMwari. 30 Asi ndiye akaita kuti muve pamwe naKristu Jesu, uyo akava kwatiri uchenjeri+ hunobva kuna Mwari, uyewo kururama+ noutsvene+ nokusunungurwa norudzikinuro;+ 31 kuti zvive sokunyorwa kwazvakaitwa kuti: “Anozvirumbidza, ngaazvirumbidze muna Jehovha.”+