2 VaKorinde
3 Tiri kutangazve kuzvirumbidza here?+ Kana kuti, zvichida, sevamwe vanhu, tinoda tsamba+ dzokurumbidza dzinouya kwamuri kana dzinobva kwamuri here? 2 Imi ndimi tsamba+ yedu, yakanyorwa pamwoyo yedu inozivikanwa uye inoverengwa nevanhu vose.+ 3 Nokuti munoratidzwa kuti muri tsamba yaKristu yakanyorwa nesu sevashumiri,+ isina kunyorwa neingi asi nomudzimu+ waMwari mupenyu, kwete pamahwendefa ematombo,+ asi pamahwendefa enyama, ipo pamwoyo.+
4 Zvino tine chivimbo+ chakadai kuna Mwari nokuna Kristu. 5 Kwete kuti isu tinonyatsokwanisa zvokuti tifunge kuti zvinhu zvose zvinobva kwatiri,+ asi kunyatsokwanisa kwedu kunobva kuna Mwari,+ 6 uyo chokwadi akaita kuti tive vanonyatsokwanisa kuti tive vashumiri vesungano+ itsva yomudzimu,+ kwete yebumbiro remitemo rakanyorwa;+ nokuti bumbiro remitemo rakanyorwa rinotongera+ kufa, asi mudzimu unoraramisa.+
7 Uyezve, kana bumbiro remitemo rinokonzera rufu+ uye rakanga rakatemerwa nemabhii pamatombo+ rakavapo nokubwinya,+ zvokuti vana vaIsraeri vaisagona kuramba vakatarira chiso chaMosesi nokuda kwokubwinya kwaiva pachiso chake,+ iko kubwinya kwaizoguma, 8 nei kupiwa kwomudzimu+ kusingafaniri kutova nokubwinya+ kukuru kwazvo? 9 Nokuti kana bumbiro remitemo rinopa mhosva+ rakanga riine kubwinya,+ kupiwa kwokururama+ kuchatova nokubwinya+ kukuru kwazvo. 10 Chokwadi, kunyange chiya chakamboitwa kuti chive chinobwinya chakabviswa kubwinya muna izvozvi,+ nokuda kwokubwinya kunochipfuura.+ 11 Nokuti kana chaizoguma chakaunzwa nokubwinya,+ chinoramba chiripo chichatova nokubwinya kukuru kwazvo.+
12 Naizvozvo, zvatiine tariro+ yakadaro, tinotaura tiine rusununguko rukuru rwokutaura, 13 tisingaiti sepaya pakaisa Mosesi chifukidziro+ pachiso chake, kuti vana vaIsraeri varege kuramba vakatarira kumugumo+ wechaizoguma. 14 Asi simba ravo rokufunga rakagomadzwa.+ Nokuti nanhasi chifukidziro ichocho chinoramba chisina kubviswa panoverengwa sungano yekare,+ nokuti inogumiswa naKristu.+ 15 Chokwadi, kusvikira nhasi pose panoverengwa Zvakanyorwa naMosesi,+ chifukidziro chinenge chiri pamwoyo yavo.+ 16 Asi pavanotendeukira kuna Jehovha, chifukidziro chacho chinobviswa.+ 17 Zvino Jehovha Mudzimu;+ uye pane mudzimu+ waJehovha,+ pane rusununguko.+ 18 Isu tose,+ patinoratidzira semagirazi kubwinya kwaJehovha+ nezviso zvisina kufukidzwa, tinoshandurirwa+ mumufananidzo+ wakafanana kubva pakubwinya kuenda pakubwinya,+ kungofanana nezvinoitwa naJehovha,+ uyo ari Mudzimu.