2 VaKorinde
7 Naizvozvo, vadiwa, zvatiine zvipikirwa+ izvi, ngatizvichenesei+ pazvinhu zvose zvinosvibisa nyama nomudzimu,+ tichikwanisa utsvene pakutya Mwari.+
2 Tiwanireiwo nzvimbo mumwoyo menyu.+ Hatina kuitira munhu zvakaipa, hatina kushatisa munhu, hatina watakadyeredzera.+ 3 Handitauri izvi kuti ndikupei mhosva. Nokuti ndambotaura kare kuti muri mumwoyo medu kuti mufe uye kuti murarame pamwe chete nesu.+ 4 Ndine rusununguko rukuru rwokutaura nemi. Ndinozvirumbidza kwazvo pamusoro penyu.+ Ndakazara nokunyaradzwa,+ ndiri kufashukira nomufaro pakutambudzika kwedu kwose.+
5 Chokwadi, patakasvika kuMakedhoniya,+ nyama yedu haina kumbozorora,+ asi takaramba tichitambudzika+ munzira dzose—kunze kwaiva nokurwa, mumwoyo maiva nokutya. 6 Kunyange zvakadaro, Mwari anonyaradza+ vakasuruvara, akatinyaradza nokuvapo kwaTito; 7 kwete nokuvapo kwake kwoga, asiwo nokunyaradza kwaakanga anyaradzwa nakwo pamusoro penyu, sezvaakatiunzirazve shoko+ rokundisuwa kwenyu, rokundichema kwenyu, rokundishingairira kwenyu; zvokuti ndakafarazve.
8 Nokudaro kunyange kana ndakakusuruvarisai netsamba yangu,+ handizvidembi. Kunyange ndakambozvidemba pakutanga, (ndinoona kuti tsamba iyoyo yakakusuruvarisai, asi zvaiva zvenguva duku,) 9 zvino handifari nokuti makangosuruvariswa, asi nokuti makasuruvariswa kuti mupfidze;+ nokuti makasuruvariswa sezvinodiwa naMwari,+ kuti murege kukuvadzwa muzvinhu zvose nokuda kwedu. 10 Nokuti kusuruvara sezvinodiwa naMwari kunoita kuti pave norupfidzo runotungamirira kuruponeso rusingazodembwi;+ asi kusuruvara kwenyika kunoita kuti pave norufu.+ 11 Nokuti, tarirai! chinhu ichochi, iko kusuruvariswa kwenyu sezvinodiwa naMwari,+ kuti kwakaita kuti muve vomwoyo wose zvikuru sei, pakuzvichenesa kwenyu, pakutsamwa, pakutya, pakusuwa, pakushingaira, pakururamisa zvakaipa!+ Muzvinhu zvose makazviratidza kuva vakachena panyaya iyi. 12 Chokwadi, kunyange ndakakunyorerai, handina kuzviitira munhu akaita zvakaipa zvacho,+ kana akaitirwa zvakaipa, asi kuti kuva vomwoyo wose kwenyu nokuda kwedu kuratidzwe pachena pakati penyu pamberi paMwari. 13 Ndokusaka takanyaradzwa.
Zvisinei, kuwedzera pakunyaradzwa kwedu takafarazve nokuda kwomufaro waTito, nokuti mwoyo*+ wake wakamutsidzirwa nemi mose. 14 Nokuti kana paine kuzvirumbidza chero kupi zvako kwandakaita kwaari pamusoro penyu, handina kunyadziswa; asi sezvatakataura zvinhu zvose kwamuri muchokwadi, saizvozvowo kuzvirumbidza+ kwedu pamberi paTito kwakava kwechokwadi. 15 Uyewo, rudo rwake rukuru, rwakakura kwazvo kwamuri, sezvaanoyeuka kuteerera+ kwenyu mose, kumugamuchira kwamakaita muchitya uye muchidedera. 16 Ndinofara kuti munzira dzose ndive akashinga kwazvo nokuda kwenyu.+