VaFiripi
1 Pauro naTimoti, varanda+ vaKristu Jesu, kuvatsvene vose vari pamwe naKristu Jesu vari muFiripi,+ pamwe chete nevatariri nevashumiri vanoshumira:+
2 Mutsa usina kukodzera kuwanwa norugare zvinobva kuna Mwari Baba vedu naShe Jesu Kristu ngazvive nemi.+
3 Ndinogara ndichionga Mwari wangu pose pandinokuyeukai+ 4 pakuteterera kwangu kwose nokuda kwenyu mose,+ sezvandinoteterera nomufaro, 5 nokuda kwezvamakaita+ pamusoro pemashoko akanaka kubvira pazuva rokutanga kusvikira panguva ino. 6 Nokuti ndine chivimbo pachinhu ichochi, kuti iye akatanga basa rakanaka mamuri achariita kusvikira rapera,+ kusvikira pazuva+ raJesu Kristu. 7 Zvakarurama chaizvo kuti ndifunge izvi pamusoro penyu mose, nokuti muri pamwoyo wangu,+ mose zvenyu zvamunogoverana+ neni pamutsa usina kukodzera kuwanwa waMwari, pazvisungo zvangu zvomujeri+ nepakudzivirira+ nokusimbisa zviri pamutemo+ mashoko akanaka.
8 Nokuti Mwari ndiye chapupu changu chokuti ndinokusuwai sei mose zvenyu norudo rukuru+ soruya runa Kristu Jesu. 9 Izvi ndizvo zvandinoramba ndichinyengeterera, kuti rudo rwenyu rurambe ruchiwanda+ nezivo yakarurama+ uye noungwaru hwakazara;+ 10 kuti muve nechokwadi chokuti zvinhu zvinokosha kupfuura zvimwe ndezvipi,+ kuti muve vasina chavanopomerwa+ uye musingagumburi+ vamwe kusvikira pazuva raKristu, 11 uye kuti muzadzwe nechibereko chakarurama,+ chinouya pachishandiswa Jesu Kristu, kuti Mwari akudzwe uye arumbidzwe.+
12 Zvino hama, ndinoda kuti muzive kuti zvakaitika kwandiri zvakaita kuti mashoko akanaka afambire mberi+ panzvimbo pokuti adzokere shure, 13 zvokuti kusungwa kwangu+ pamusoro paKristu kwakazivikanwa+ pakati peVarindi vose vomuMuzinda waMambo nevamwe vose;+ 14 uye hama zhinji munaShe, dzichinzwa dziine chivimbo nokuda kwezvisungo zvangu zvomujeri, dziri kutonyanya kuratidza ushingi kuti dzitaure shoko raMwari dzisingatyi.+
15 Chokwadi, vamwe vari kuparidza Kristu neshanje nemakwikwi,+ asi vamwewo nechido.+ 16 Vapedzisira kutaurwa nezvavo vari kuzivisa Kristu nokuda kworudo, nokuti vanoziva kuti ndakaiswa pano kuti ndidzivirire+ mashoko akanaka; 17 asi vatanga kutaurwa nezvavo vanozviita nokuda kwokukakavara,+ havazviiti nevavariro yakachena, nokuti vane pfungwa yokundimutsira kutambura+ pazvisungo zvangu zvomujeri. 18 Saka zvinoguma nei? Hapana, kunze kwokuti munzira dzose, mungava mukunyepedzera+ kana muchokwadi, Kristu ari kuziviswa,+ uye ndinofara nazvo. Chokwadi, ndicharambawo ndichifara, 19 nokuti ndinoziva kuti izvi zvichaita kuti ndiponeswe nokuteterera+ kwenyu uye kugoverwa kwomudzimu waJesu Kristu,+ 20 maererano nokutarisira kwangu nomwoyo wose+ netariro+ yokuti hapana chandinozonyara nacho,+ asi kuti parusununguko rwokutaura rwose,+ Kristu achakudzwa zvino pachishandiswa muviri wangu,+ sezvaagara achiitwa, mukurarama kana mukufa.+
21 Nokuti kwandiri, kurarama, ndiKristu,+ uye kufa,+ kupfuma. 22 Zvino kana kuri kuramba ndichirarama panyama, ichi ndicho chibereko chebasa rangu+—asi kuti ndichasarudza chinhu chipi, handitauri. 23 Ndinomanikidzwa nezvinhu zviviri izvi;+ asi zvandinoda ndiko kusunungurwa uye kuva pamwe chete naKristu,+ nokuti izvi, chokwadi, zviri nani zvikuru.+ 24 Zvisinei, zvakakodzera kwazvo kuti ndirambe ndiri munyama nokuda kwenyu.+ 25 Naizvozvo, ndiine chivimbo neizvi, ndinoziva kuti ndicharamba ndiripo+ uye ndichagara nemi mose kuti mufambire mberi+ uye nokuda kwomufaro wokutenda kwenyu, 26 kuti kupembera kwenyu nomufaro kufashukire muna Kristu Jesu nokuda kwangu nokuvapo kwangu nemi zvakare.
27 Asi ingozvibatai nenzira yakakodzera+ mashoko akanaka pamusoro paKristu, kuti, kunyange ndikauya ndikakuonai kana kuti kana ndikasavapo, ndinzwe pamusoro pezvinhu zvine chokuita nemi, kuti makamira makasimba mumafungiro mamwe chete, nomweya mumwe chete+ muchibishairira kutenda kwemashoko akanaka muri pamwe chete, 28 musingambotyiswi nevanopikisana nemi.+ Chinhu ichochi uchapupu hwokuparadzwa kwavari, asi hwokuponeswa kwamuri;+ uye chiratidzo ichi chinobva kuna Mwari, 29 nokuti imi makapiwa ropafadzo nokuda kwaKristu, kwete kuti mutende+ maari chete, asiwo kuti mutambure+ nokuda kwake. 30 Nokuti muri kurwa zvakafanana nezvamakaona kwandiri+ uye zvakafanana nezvamunonzwa iye zvino pamusoro pangu.+