VaHebheru
5 Nokuti mupristi mukuru wose anotorwa pakati pevanhu anogadzwa nokuda kwevanhu kuti atarisire zvinhu zvine chokuita naMwari,+ kuti ape zvipo nezvibayiro zvezvivi.+ 2 Iye anokwanisa kubata zvine mwero nevasingazivi nevanokanganisa, iye zvaanodzorwawo nokushayiwa simba kwake,+ 3 uye nokuda kwaizvozvo anosungirwa kuti ape zvinopiwa zvezvivi zvake pachake sezvaanoitira vamwe vanhu.+
4 Uyewo, munhu haawani kukudzwa uku nokuzvidira,+ asi paanodanwa naMwari chete,+ sezvakaitwawo Aroni.+ 5 Saizvozvowo Kristu haana kuzvikudza iye pachake+ nokuva mupristi mukuru,+ asi akakudzwa+ naiye akataura nezvake achiti: “Ndiwe mwanakomana wangu; ini, nhasi, ndava baba vako.”+ 6 Sezvaanotaurawo pane imwe nzvimbo, achiti: “Iwe uri mupristi nokusingaperi maererano nezvakanga zvakaita Merekizedheki.”+
7 Pamazuva aakanga ari munyama, Kristu aiteterera uyewo aikumbira+ Iye aikwanisa kumuponesa parufu, achichema kwazvo+ uye achisvimha misodzi, uye akanzwiwa nokuda kwokutya kwake Mwari.+ 8 Kunyange zvazvo akanga ari Mwanakomana, akadzidza kuteerera pazvinhu zvaakatambura;+ 9 uye pashure pokunge aitwa akakwana+ akava nesimba rokuponeswa kusingaperi+ kune vaya vose vanomuteerera,+ 10 nokuti akanzi naMwari mupristi mukuru maererano nezvakanga zvakaita Merekizedheki.+
11 Tine zvizhinji zvokutaura pamusoro pake uye zvakaoma kuti zvitsanangurwe, zvamava vakagomara pakunzwa kwenyu.+ 12 Chokwadi, nokuti kunyange zvazvo muchifanira kuva vadzidzisi+ kana tichitarira nguva, imi munodazve mumwe munhu kuti akudzidzisei kubva pakutanga zvinhu zvokutanga+ zvemashoko matsvene aMwari;+ uye mava sevanhu vanoda mukaka, kwete zvokudya zvikukutu.+ 13 Nokuti munhu wose anodya mukaka haazivi shoko rokururama, nokuti mucheche.+ 14 Asi zvokudya zvikukutu ndezvevanhu vakuru, zvevaya vanoita kuti simba ravo rokunzwisisa+ rirovedzwe kusiyanisa zvakanaka nezvakaipa+ nokurishandisa kwavanoita.