VaHebheru
4 Naizvozvo, chipikirwa chokupinda muzororo rake zvachichiripo,+ ngatichenjererei kuti dzimwe nguva mumwe wenyu arege kuita sokuti ava kukundikana kusvika kwachiri.+ 2 Nokuti takaziviswawo mashoko akanaka,+ sezvavakaitwawo;+ asi shoko ravakanzwa harina kuvabatsira,+ nokuti vakanga vasina kubatanidzwa nokutenda+ nevaya vakanzwa.+ 3 Nokuti isu takatenda tinopinda muzororo racho, sokutaura kwaakaita kuti: “Naizvozvo ndakapika+ ndakatsamwa, ndikati, ‘Havazopindi+ muzororo rangu,’”+ kunyange zvazvo mabasa ake akanga apera+ kubvira pakuvambwa kwenyika.+ 4 Nokuti pane imwe nzvimbo akataura pamusoro pezuva rechinomwe achiti: “Mwari akazorora pazuva rechinomwe pamabasa ake ose,”+ 5 uyezve panzvimbo iyi anoti: “Havazopindi muzororo rangu.”+
6 Naizvozvo, zvazvinosarira vamwe kupinda mariri, uye vaya vakatanga kuparidzirwa mashoko akanaka+ zvavasina kupinda nokuda kwokusateerera,+ 7 iye anotarazve rimwe zuva nokutaura pashure penguva refu kwazvo mupisarema raDhavhidhi achiti “Nhasi”; sokutaurwa kwazvaitwa pamusoro apa: “Nhasi kana mukateerera inzwi rake,+ musaomesa mwoyo yenyu.”+ 8 Nokuti kudai Joshua+ akanga avapinza munzvimbo yezororo,+ Mwari angadai asina kuzotaura+ nezverimwe zuva. 9 Naizvozvo kuchine zororo resabata nokuda kwevanhu vaMwari.+ 10 Nokuti munhu anenge apinda muzororo raMwari+ anenge azororawo pamabasa ake,+ sezvakaita Mwari pane ake.
11 Naizvozvo ngatiitei zvose zvatinogona kuti tipinde muzororo iroro, kuti parege kuva nomunhu angawira mumuitiro wokusateerera wakafanana.+ 12 Nokuti shoko+ raMwari ibenyu+ uye rine simba,+ rakapinza kupfuura bakatwa chero ripi zvaro rinocheka nekwose+ uye rinobaya kusvikira panoparadzana mweya+ nomudzimu,+ uye mapfundo nemwongo yawo, uye rinokwanisa kunzwisisa kufunga nevavariro zvomwoyo.+ 13 Hapana chisikwa chaasingaoni,+ asi zvinhu zvose zvakafukurwa uye zviri pachena mumaziso aiye watinozvidavirira kwaari.+
14 Naizvozvo, zvatiine mupristi mukuru akapfuura nomumatenga,+ iye Jesu Mwanakomana waMwari,+ ngatibatisisei kumupupurira kwedu.+ 15 Nokuti tine mupristi mukuru, kwete asingagoni kunzwira tsitsi+ kusava nesimba kwedu, asi akaedzwa muzvinhu zvose kufanana nesu, asi iye akaramba asina chivi.+ 16 Naizvozvo, ngatiswederei+ norusununguko rwokutaura+ kuchigaro choumambo chomutsa usina kukodzera kuwanwa, kuti tinzwirwe ngoni uye tiitirwe mutsa usina kukodzera kuwanwa kuti tibatsirwe panguva yakakodzera.+