Genesisi 37:28 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 28 Zvino varume, vatengesi vechiMidhiyani,+ vakapfuura. Nokudaro vakakweva Josefa vakamubudisa mugomba remvura,+ vakabva vatengesa Josefa kuvaIshmaeri nemasirivha makumi maviri.+ Ivava vakazoenda naJosefa kuIjipiti. Eksodho 2:15 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 15 Naizvozvo Farao akazvinzwa, akaedza kuuraya Mosesi;+ asi Mosesi akatiza+ Farao kuti anogara munyika yeMidhiyani;+ uye akagara pedyo netsime. Numeri 22:4 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 4 Moabhi akati kuvarume vakuru veMidhiyani:+ “Zvino ungano iyi ichananzva zvinhu zvedu zvose zvakatipoteredza sezvinoita nzombe inonanzva bumhudza resango.” Panguva iyoyo chaiyo Bharaki+ mwanakomana waZipori ndiye akanga ari mambo weMoabhi. Numeri 31:2 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 2 “Tsiva+ vaMidhiyani+ nokuda kwevanakomana vaIsraeri. Pashure paizvozvo uchaiswa kwakaiswa vanhu vokwako.”+ Vatongi 6:2 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 2 Ruoko rwaMidhiyani rwakakunda Israeri.+ Vanakomana vaIsraeri vakazviitira nzvimbo dzokuchengetera zvinhu pasi pevhu dzaiva mumakomo, nemapako nenzvimbo dzakaoma kusvika+ nokuda kwaMidhiyani.
28 Zvino varume, vatengesi vechiMidhiyani,+ vakapfuura. Nokudaro vakakweva Josefa vakamubudisa mugomba remvura,+ vakabva vatengesa Josefa kuvaIshmaeri nemasirivha makumi maviri.+ Ivava vakazoenda naJosefa kuIjipiti.
15 Naizvozvo Farao akazvinzwa, akaedza kuuraya Mosesi;+ asi Mosesi akatiza+ Farao kuti anogara munyika yeMidhiyani;+ uye akagara pedyo netsime.
4 Moabhi akati kuvarume vakuru veMidhiyani:+ “Zvino ungano iyi ichananzva zvinhu zvedu zvose zvakatipoteredza sezvinoita nzombe inonanzva bumhudza resango.” Panguva iyoyo chaiyo Bharaki+ mwanakomana waZipori ndiye akanga ari mambo weMoabhi.
2 “Tsiva+ vaMidhiyani+ nokuda kwevanakomana vaIsraeri. Pashure paizvozvo uchaiswa kwakaiswa vanhu vokwako.”+
2 Ruoko rwaMidhiyani rwakakunda Israeri.+ Vanakomana vaIsraeri vakazviitira nzvimbo dzokuchengetera zvinhu pasi pevhu dzaiva mumakomo, nemapako nenzvimbo dzakaoma kusvika+ nokuda kwaMidhiyani.