Genesisi
37 Zvino Jakobho akaramba achigara munyika yaigara baba vake vari mutorwa,+ munyika yeKenani.+
2 Iyi ndiyo nhoroondo yaJakobho.
Josefa+ akanga ava nemakore gumi nemanomwe paaifudza makwai nevakoma vake vari pakati peboka rezvipfuwo,+ achingova hake mukomana, aiva nevanakomana vaBhiriha+ nevanakomana vaZiripa,+ madzimai ababa vake. Naizvozvo Josefa akavamhan’arira kuna baba vavo.+ 3 Israeri aida Josefa kupfuura vamwe vanakomana vake vose,+ nokuti akanga ari mwanakomana wepaukweguru hwake; uye akaita kuti agadzirirwe nguo refu yakaita sehembe, yaiva nemitsetse.+ 4 Vakoma vake pavakaona kuti baba vavo vaimuda kupfuura vakoma vake vose, vakatanga kumuvenga,+ uye vakanga vasingakwanisi kutaura naye zvine rugare.+
5 Gare gare Josefa akarota hope akadziudza vakoma vake,+ vakabva vatowana chimwe chikonzero chokumuvenga. 6 Akati kwavari: “Ndapota, teererai hope idzi dzandarota.+ 7 Tarirai tanga tichisunga zvisote pakati pomunda, chisote changu chikasimuka, chikamira kuti tote uye zvisote zvenyu zvakomberedza chisote changu zvikachikotamira.”+ 8 Vakoma vake vakati kwaari: “Uchava mambo wedu here?+ kana kuti, Uchava nesimba patiri here?”+ Naizvozvo vakawana chikonzero chitsva chokumuvengera hope dzake nemashoko ake.
9 Akazorota dzimwe hope, akadzirondedzera kuvakoma vake akati: “Tarirai ndarota dzimwe hope, uye zuva nomwedzi nenyeredzi gumi neimwe zvanga zvichindikotamira.”+ 10 Akabva adzirondedzera kuna baba vake nevakoma vakewo, asi baba vake vakamutsiura vakati kwaari:+ “Hope idzi dzawarota dzinorevei? Ini naamai vako nevakoma vako tichauya tokukotamira here?” 11 Vakoma vake vakamuitira godo,+ asi baba vake vakachengeta zvaakataura.+
12 Zvino vakoma vake vakaenda kunofudza boka rezvipfuwo rababa vavo pedyo neShekemu.+ 13 Kwapera nguva yakati, Israeri akati kuna Josefa: “Vakoma vako havasi kufudza mapoka ezvipfuwo pedyo neShekemu here? Uya ndikutume kwavari.” Iye akati kwavari: “Ndiri pano!”+ 14 Naizvozvo vakati kwaari: “Ndapota, enda. Ona kana vakoma vako vakachengeteka uye kana vari vapenyu uye kana zvipfuwo zvakachengeteka uye zviri zvipenyu, udzoke neshoko kwandiri.”+ Naizvozvo akamutuma achibva mubani reHebroni,+ akaenda akananga kuShekemu. 15 Gare gare mumwe murume akamuwana achidzungaira musango. Murume wacho akabva amubvunza, achiti: “Uri kutsvakei?” 16 Iye akati: “Ndiri kutsvaka vakoma vangu. Ndapota, ndiudzei, Vari kufudzira mapoka ezvipfuwo kupi?” 17 Murume wacho akati: “Vabva pano, nokuti ndavanzwa vachiti, ‘Ngatiendei kuDhotani.’” Naizvozvo Josefa akaramba achitevera vakoma vake, akavawana kuDhotani.
18 Vakamuona achiri kure, asati asvika pedyo navo vakatanga kurangana nemanomano kuti vamuuraye.+ 19 Naizvozvo vakataurirana vachiti: “Tarirai! Hoyo muroti uya auya.+ 20 Zvino uyai, ngatimuurayei, timukande mune rimwe remakomba emvura;+ uye tichati chikara chinorura chakamudya.+ Tichabva taona kuti hope dzake dzichaguma nei.” 21 Rubheni paakanzwa izvi akaedza kumununura paruoko rwavo.+ Naizvozvo akati: “Ngatiregei kuuraya mweya wake.”+ 22 Rubheni akatizve kwavari: “Musateura ropa.+ Mukandei mugomba remvura iri riri musango, musamukuvadza.”+ Chinangwa chake chaiva chokumununura paruoko rwavo kuti amudzorere kuna baba vake.
23 Naizvozvo Josefa paakangosvika kuvakoma vake, vakapfekenura Josefa nguo yake refu, iyo nguo refu yaiva nemitsetse yaakanga akapfeka;+ 24 vachibva vamutora, vakamukanda mugomba remvura.+ Panguva yacho gomba racho rakanga risina chinhu; makanga musina mvura.
25 Vakabva vagara pasi kuti vadye zvokudya.+ Pavakasimudza maziso avo vakatarira, vakaona boka revafambi vaiva vaIshmaeri+ raibva kuGiriyedhi, uye ngamera dzavo dzakanga dzakatakura rabhudhanamu nebharisamu nemakwati anobudisa zvinonama,+ vachienda nazvo kuIjipiti. 26 Judha akati kuvana vababa vake: “Tinowaneiko kana tikauraya munun’una wedu, tikafukidza ropa rake?+ 27 Uyai, ngatimutengeserei vaIshmaeri,+ ngatisaise maoko edu paari.+ Uyezve, iye munun’una wedu, nyama yedu.” Naizvozvo vakateerera mwana wababa vavo.+ 28 Zvino varume, vatengesi vechiMidhiyani,+ vakapfuura. Nokudaro vakakweva Josefa vakamubudisa mugomba remvura,+ vakabva vatengesa Josefa kuvaIshmaeri nemasirivha makumi maviri.+ Ivava vakazoenda naJosefa kuIjipiti.
29 Gare gare Rubheni akadzokera kugomba uye Josefa akanga asimo mugomba racho. Naizvozvo akabvarura nguo dzake.+ 30 Paakadzoka kuvamwe vanun’una vake akati: “Mwana haachiko! Zvino ini—chokwadi ndichaendepi?”+
31 Zvisinei, vakatora nguo refu yaJosefa, vakauraya nhongo, vakaramba vachinyika nguo yacho muropa.+ 32 Vakazotumira nguo yacho yaiva nemitsetse, vakaita kuti iendeswe kuna baba vavo vakati: “Takawana chinhu ichi. Tapota, ongororai+ kana iri nguo yomwanakomana wenyu kana kwete.”+ 33 Vakaiongorora vakati: “Inguo yomwanakomana wangu! Chikara chinorura chinofanira kuva chakamudya!+ Chokwadi Josefa akabvamburwa-bvamburwa!”+ 34 Naizvozvo Jakobho akabvarura majasi ake, akapfeka masaga muhudyu make, akachema mwanakomana wake mazuva mazhinji.+ 35 Vanakomana vake vose nevanasikana vake vose vakaramba vachisimuka kuti vamunyaradze,+ asi haana kubvuma kunyaradzwa achiti:+ “Nokuti ndichaburukira kumwanakomana wangu muSheori ndichichema!” Baba vake vakaramba vachimuchema.
36 Zvisinei, vaMidhiyani vakamutengesa muIjipiti kuna Potifari, jinda raFarao,+ mukuru wevarindi.+