Eksodho 32:30 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 30 Zvino pazuva rakatevera racho, Mosesi akati kuvanhu vacho: “Imi—iyemi, makatadza kwazvo,+ zvino ndichakwira kuna Jehovha. Zvichida ndingayananisira chivi chenyu.”+ Revhitiko 12:8 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 8 Asi kana asingagoni kuwana gwai, ngaatore magukutiwa maviri kana kuti hangaiwa mbiri duku,+ imwe kuti ive chinopiwa chinopiswa neimwe yacho kuti ive chinopiwa chechivi, uye mupristi ngaamuyananisire,+ uye iye achava akachena.’” Revhitiko 16:17 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 17 “Hapana mumwe munhu anofanira kunge ari mutende rokusanganira kubvira paanopinda kuti ayananisire ari munzvimbo tsvene kusvikira achibuda; anofanira kuzviyananisira+ iye neimba yake neungano yose yaIsraeri.+ Numeri 15:25 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 25 Mupristi anofanira kuyananisira+ ungano yose yevanakomana vaIsraeri, vakanganwirwe; nokuti kwaiva kukanganisa,+ uye ivowo vakauya nechinopiwa chavo, chinopiwa chinopiswa nomoto kuna Jehovha nechinopiwa chavo chechivi pamberi paJehovha nokuda kwokukanganisa kwavo. VaEfeso 1:7 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 7 Tinosunungurwa norudzikinuro neropa+ rake pachishandiswa iye, chokwadi, iko kukanganwirwa+ kwokudarika kwedu, maererano noukuru hwomutsa waMwari usina kukodzera kuwanwa.+ 1 Timoti 2:5 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 5 Nokuti kuna Mwari mumwe chete,+ nomurevereri+ mumwe chete pakati paMwari+ nevanhu,+ Kristu Jesu,+ iye munhu, VaHebheru 2:17 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 17 Naizvozvo aisungirwa kuti ave se“hama” dzake muzvinhu zvose,+ kuti ave mupristi mukuru ane ngoni uye akatendeka muzvinhu zvine chokuita naMwari,+ kuti ape chibayiro+ chokuyananisira zvivi zvevanhu.+
30 Zvino pazuva rakatevera racho, Mosesi akati kuvanhu vacho: “Imi—iyemi, makatadza kwazvo,+ zvino ndichakwira kuna Jehovha. Zvichida ndingayananisira chivi chenyu.”+
8 Asi kana asingagoni kuwana gwai, ngaatore magukutiwa maviri kana kuti hangaiwa mbiri duku,+ imwe kuti ive chinopiwa chinopiswa neimwe yacho kuti ive chinopiwa chechivi, uye mupristi ngaamuyananisire,+ uye iye achava akachena.’”
17 “Hapana mumwe munhu anofanira kunge ari mutende rokusanganira kubvira paanopinda kuti ayananisire ari munzvimbo tsvene kusvikira achibuda; anofanira kuzviyananisira+ iye neimba yake neungano yose yaIsraeri.+
25 Mupristi anofanira kuyananisira+ ungano yose yevanakomana vaIsraeri, vakanganwirwe; nokuti kwaiva kukanganisa,+ uye ivowo vakauya nechinopiwa chavo, chinopiwa chinopiswa nomoto kuna Jehovha nechinopiwa chavo chechivi pamberi paJehovha nokuda kwokukanganisa kwavo.
7 Tinosunungurwa norudzikinuro neropa+ rake pachishandiswa iye, chokwadi, iko kukanganwirwa+ kwokudarika kwedu, maererano noukuru hwomutsa waMwari usina kukodzera kuwanwa.+
5 Nokuti kuna Mwari mumwe chete,+ nomurevereri+ mumwe chete pakati paMwari+ nevanhu,+ Kristu Jesu,+ iye munhu,
17 Naizvozvo aisungirwa kuti ave se“hama” dzake muzvinhu zvose,+ kuti ave mupristi mukuru ane ngoni uye akatendeka muzvinhu zvine chokuita naMwari,+ kuti ape chibayiro+ chokuyananisira zvivi zvevanhu.+