1 Timoti
2 Naizvozvo, kutanga, ndinorayira kuti kuteterera, minyengetero,+ mikumbiro, kuonga, zviitirwe vanhu vemarudzi ose,+ 2 zviitirwe madzimambo+ nevaya vose vane nzvimbo dzepamusoro;+ kuti tirambe tichirarama upenyu hwakadzikama nohwakanyarara, tichizvipira kuna Mwari uye tiri vomwoyo wose zvizere.+ 3 Izvi zvakanaka kwazvo uye zvinogamuchirika+ pamberi poMuponesi wedu, Mwari,+ 4 uyo anoda kuti vanhu vemarudzi ose+ vaponeswe+ uye vasvike pakuva nezivo yakarurama+ pamusoro pechokwadi.+ 5 Nokuti kuna Mwari mumwe chete,+ nomurevereri+ mumwe chete pakati paMwari+ nevanhu,+ Kristu Jesu,+ iye munhu, 6 akazvipa kuti ave rudzikinuro runoenzanirana navose+—izvi ndizvo zvichapupurirwa panguva yazvo chaiyo. 7 Ndakagadzwa kuti ndive muparidzi nomuapostora+ nokuda kwouchapupu+ uhwu—ndiri kutaura chokwadi,+ handisi kureva nhema—ndiri mudzidzisi wemamwe marudzi+ panyaya yokutenda+ uye yechokwadi.
8 Naizvozvo ndinoda kuti varume munzvimbo dzose varambe vachinyengetera, vachisimudza maoko akavimbika,+ pasina hasha+ uye nharo.+ 9 Saizvozvowo ndinoda kuti vakadzi vashonge nguo dzakagadzirwa zvakanaka, vaine mwero+ nepfungwa dzakanaka, vasingaruki bvudzi nendarama kana nemaparera kana kupfeka nguo dzinodhura kwazvo,+ 10 asi nenzira inokodzera vakadzi vanoti vanotya Mwari,+ naiwo mabasa akanaka.+
11 Mukadzi ngaadzidze akanyarara achizviisa pasi zvizere.+ 12 Handitenderi mukadzi kuti adzidzise,+ kana kuti ave nesimba pamurume,+ asi kuti anyarare. 13 Nokuti Adhamu akatanga kuumbwa, kukazotevera Evha.+ 14 Uyewo, Adhamu haana kunyengerwa,+ asi mukadzi ndiye akanyengerwa kwazvo,+ akasvika pakudarika.+ 15 Zvisinei, achava akachengeteka nokubereka vana,+ chero bedzi iye akaramba ari mukutenda nomurudo nomuutsvene uyewo aine pfungwa dzakanaka.+