VaHebheru
2 Ndokusaka zvakakodzera kuti isu titeerere zvinhu zvatakanzwa+ kupfuura zvatinogara tichiita, kuti tirege kumbokukurwa.+ 2 Nokuti kana shoko rakataurwa pachishandiswa ngirozi+ rakanga rakasimba, uye kudarika kwose nokusateerera kwose zvakawana mubayiro wakakodzera maererano nokururamisira;+ 3 tichapukunyuka+ sei kana taregeredza+ ruponeso rwakakura zvakadai+ pakuti rwakatanga kutaurwa nezvarwo pachishandiswa Ishe+ wedu, rukasimbiswa+ nokuda kwedu nevaya vakamunzwa, 4 Mwari paakapindira achipupurira nezviratidzo nezvishamiso pamwe chete nemabasa esimba akasiyana-siyana+ uye nokugoverwa+ kwomudzimu mutsvene maererano nezvaanoda?+
5 Nokuti nyika inogarwa iri kuuya, yatiri kutaura nezvayo,+ haana kuiisa pasi pengirozi. 6 Asi chimwe chapupu chakapupurira chichinyora pane imwe nzvimbo, chichiti: “Munhu chiiko zvamunomufunga,+ kana kuti mwanakomana womunhu zvamunomutarisira?+ 7 Makamuita akaderera zvishoma pane ngirozi; makamushongedza kubwinya nokukudzwa,+ mukamugadza pamabasa emaoko enyu.+ 8 Makaisa zvinhu zvose pasi petsoka dzake.”+ Nokuti iye zvaakaisa zvinhu zvose pasi pake,+ Mwari haana chaakasiya chisiri pasi pake.+ Zvisinei, iye zvino tichigere kuona zvinhu zvose zviri pasi pake;+ 9 asi tinoona Jesu, akanga aitwa akaderera zvishoma pane ngirozi,+ akapfekedzwa korona yokubwinya+ nokukudzwa nokuti iye akafa,+ kuti nomutsa usina kukodzera kuwanwa waMwari aravire rufu nokuda kwevanhu vose.+
10 Nokuti zvakanga zvakakodzera kuti iye uyo zvinhu zvose zviripo nokuda kwake+ uye akaita kuti zvinhu zvose zvivepo, pakusvitsa vanakomana vazhinji pakubwinya,+ aite kuti Mumiririri Mukuru+ woruponeso rwavo ave akakwana nokutambura kuzhinji.+ 11 Nokuti uya anotsvenesa pamwe chete nevaya vanotsveneswa,+ vose vanobva kune mumwe chete,+ uye nokuda kwechikonzero ichi haanyari kuvati “hama,”+ 12 sezvaanoti: “Ndichazivisa hama dzangu zita renyu; ndichakurumbidzai nenziyo ndiri pakati peungano.”+ 13 Uyezve: “Ndichavimba naye.”+ Uyezve: “Tarirai! Ini nevana vaduku, vandakapiwa naJehovha.”+
14 Naizvozvo, “vana vaduku” vacho zvavanogoverana ropa nenyama, saizvozvowo iye akagovana navo zvinhu izvozvo,+ kuti norufu rwake+ aparadze+ uyo ane simba rokukonzera rufu,+ iye Dhiyabhorosi;+ 15 uye kuti asunungure+ vose vaya vakanga vari muuranda kwoupenyu hwavo hwose+ nokuda kwokutya rufu.+ 16 Nokuti chokwadi iye haasi kumbobatsira ngirozi, asi ari kubatsira vana vaAbrahamu.+ 17 Naizvozvo aisungirwa kuti ave se“hama” dzake muzvinhu zvose,+ kuti ave mupristi mukuru ane ngoni uye akatendeka muzvinhu zvine chokuita naMwari,+ kuti ape chibayiro+ chokuyananisira zvivi zvevanhu.+ 18 Nokuti iye zvaakatambura paaiedzwa,+ anokwanisawo kuyamura vaya vari kuedzwa.+