Dheuteronomi 14:29 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 29 Uye muRevhi,+ nokuti haana nhaka kana mugove pamwe chete newe, nomutorwa+ nenherera nechirikadzi,+ vari mukati memagedhi ako, ngavauye, ngavadye vagute; kuti Jehovha Mwari wako akukomborere+ mumabasa ose+ oruoko rwako auchaita. Dheuteronomi 15:10 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 10 Unotofanira kumupa,+ mwoyo wako haufaniri kuomera paunomupa, nokuti Jehovha Mwari wako achakukomborera nokuda kweizvi mumabasa ako ose uye pane zvose zvaunoita.+ Pisarema 67:7 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 7 Mwari achatikomborera,+Migumo yose yenyika ichamutya.+ Pisarema 115:13 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 13 Achakomborera vaya vanotya Jehovha,+Vaduku pamwe chete nevakuru.+
29 Uye muRevhi,+ nokuti haana nhaka kana mugove pamwe chete newe, nomutorwa+ nenherera nechirikadzi,+ vari mukati memagedhi ako, ngavauye, ngavadye vagute; kuti Jehovha Mwari wako akukomborere+ mumabasa ose+ oruoko rwako auchaita.
10 Unotofanira kumupa,+ mwoyo wako haufaniri kuomera paunomupa, nokuti Jehovha Mwari wako achakukomborera nokuda kweizvi mumabasa ako ose uye pane zvose zvaunoita.+