Joshua 23:12 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 12 “Asi kana mukangodzoka shure+ chete mukanamatira kune vakasara vemarudzi aya,+ amuri kusara nawo, mukaroorerana+ nawo mopinda pakati pawo, uye iwo pakati penyu, 2 Makoronike 15:2 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 2 Naizvozvo akaenda pamberi paAsa akati kwaari: “Ndinzwei, haiwa imi Asa nemi mose vaJudha nevaBhenjamini! Jehovha anemi chero bedzi imi muinaye;+ uye kana mukamutsvaka,+ iye achaita kuti mumuwane, asi kana mukamusiya, achakusiyaiwo.+ Ezra 8:22 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 22 Nokuti ndakanyara kukumbira uto+ rehondo nevatasvi vemabhiza+ kuna mambo kuti ritibatsire pakurwisana nomuvengi munzira, nokuti takanga tati kuna mambo: “Ruoko+ rwaMwari wedu ruri pane vose vanomutsvaka nokuda kwezvakanaka,+ asi simba rake nokutsamwa kwake+ zvinorwisana navose vaya vanomusiya.”+ Isaya 1:28 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 28 Vanomukira nevanotadza vachaparara panguva imwe chete,+ uye vaya vanosiya Jehovha vachapera.+ Jeremiya 17:13 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 13 Haiwa Jehovha, tariro yaIsraeri,+ vose vaya vanokusiyai vachanyadziswa.+ Vaya vanotsauka vachibva kwandiri+ vachanyorwa muvhu, nokuti vakasiya tsime remvura mhenyu, iye Jehovha.+
12 “Asi kana mukangodzoka shure+ chete mukanamatira kune vakasara vemarudzi aya,+ amuri kusara nawo, mukaroorerana+ nawo mopinda pakati pawo, uye iwo pakati penyu,
2 Naizvozvo akaenda pamberi paAsa akati kwaari: “Ndinzwei, haiwa imi Asa nemi mose vaJudha nevaBhenjamini! Jehovha anemi chero bedzi imi muinaye;+ uye kana mukamutsvaka,+ iye achaita kuti mumuwane, asi kana mukamusiya, achakusiyaiwo.+
22 Nokuti ndakanyara kukumbira uto+ rehondo nevatasvi vemabhiza+ kuna mambo kuti ritibatsire pakurwisana nomuvengi munzira, nokuti takanga tati kuna mambo: “Ruoko+ rwaMwari wedu ruri pane vose vanomutsvaka nokuda kwezvakanaka,+ asi simba rake nokutsamwa kwake+ zvinorwisana navose vaya vanomusiya.”+
13 Haiwa Jehovha, tariro yaIsraeri,+ vose vaya vanokusiyai vachanyadziswa.+ Vaya vanotsauka vachibva kwandiri+ vachanyorwa muvhu, nokuti vakasiya tsime remvura mhenyu, iye Jehovha.+