RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Nehemiya 9:17
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 17 Naizvozvo vakaramba kuteerera,+ uye havana kuyeuka+ mabasa enyu anoshamisa amakavaitira, asi vakaomesa mitsipa yavo,+ vakagadza mukuru+ kuti vadzokere kuuranda hwavo muIjipiti. Asi imi muri Mwari anokanganwira,+ ane nyasha+ neane ngoni,+ anononoka kutsamwa+ uye azere+ nomutsa worudo, uye hamuna kuvasiya.+

  • Isaya 55:7
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 7 Munhu akaipa ngaasiye nzira yake,+ uye munhu anokuvadza ngaasiye kufunga kwake;+ uye ngaadzokere kuna Jehovha, iye achamunzwira ngoni,+ uye kuna Mwari wedu, nokuti achakanganwira zvikuru.+

  • Dhanieri 9:9
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 9 Jehovha Mwari wedu ane ngoni+ uye anokanganwira,+ nokuti takamupandukira.+

  • Joeri 2:13
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 13 Bvarurai mwoyo yenyu,+ kwete nguo dzenyu;+ uye dzokai kuna Jehovha Mwari wenyu, nokuti iye ane nyasha nengoni,+ anononoka kutsamwa,+ azere nomutsa worudo,+ uye achazvidemba pamusoro pedambudziko racho.+

  • Mika 7:18
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 18 Ndoupi Mwari akaita semi,+ anoregerera kukanganisa nokuregerera kudarika+ kwevakasara venhaka yake?+ Haazorambi akatsamwa nokusingaperi, nokuti anofarira mutsa worudo.+

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe