RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Jobho 12:10
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 10 Iye ane mweya+ yevanhu vose vapenyu muruoko rwake

      Uye simba roupenyu renyama yose yevanhu?+

  • Jobho 34:14
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 14 Kana akaisa mwoyo wake pane mumwe munhu,

      Kana akadzosa kwaari simba roupenyu nemhepo yokufema zvomunhu iyeye,+

  • Pisarema 146:4
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    •  4 Simba rake roupenyu rinobuda,+ iye odzokera kuivhu rake;+

      Nezuva iroro pfungwa dzake dzinoparara.+

  • Muparidzi 8:8
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 8 Hapana munhu ane simba pamusoro pesimba roupenyu kuti adzivise simba roupenyu;+ uyewo hapana simba rokudzora pazuva rokufa;+ uyewo muhondo hapana anomboregwa kuti aende.+ Uipi hauzopukunyutsi vaya vanohuita.+

  • Muparidzi 12:7
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 7 Pashure paizvozvo guruva rinodzokera kuivhu+ sezvarakanga rakaita uye simba roupenyu+ rinodzokera kuna Mwari+ wechokwadi akaripa.+

  • Isaya 42:5
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 5 Zvanzi naMwari wechokwadi, Jehovha, Musiki wematenga,+ Iye Mukuru ari kuatatamura;+ Iye ari kutambanudza nyika+ nezvibereko+ zvayo, Iye ari kupa vanhu vari pairi+ mhepo yokufema,+ nesimba roupenyu kune vaya vari kufamba mairi:+

  • Mabasa 17:25
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 25 uyewo haashandirwi nemaoko evanhu sokunge kuti pane chimwe chinhu chaanoshayiwa,+ nokuti iye anopa vanhu vose upenyu+ nemhepo yokufema+ nezvinhu zvose.

Mabhuku eChiShona (1973-2026)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe