3 Unofanira kuchengeta zvaunosungirwa kuti uitire Jehovha Mwari wako nokufamba munzira dzake,+ nokuchengeta mirau yake, mirayiro yake nezvaakatonga+ nezvipupuriro zvake, maererano nezvakanyorwa mumutemo waMosesi,+ kuti uite nokungwara muzvose zvaunoita uye kwose kwose kwaunoenda;