Dheuteronomi
4 “Zvino, haiwa imi vaIsraeri, teererai mirau nezvakatongwa zvandiri kukudzidzisai kuti muite, kuti murarame+ uye mupinde, mutore nyika yamuri kupiwa naJehovha Mwari wemadzitateguru enyu kuti ive yenyu. 2 Musawedzera pashoko randiri kukurayirai, uyewo musabvisa pariri,+ kuti muchengete mirayiro yaJehovha Mwari wenyu yandiri kukurayirai.
3 “Maziso enyu ndiwo akaona zvakaitwa naJehovha panyaya yaiva nechokuita naBhaari wePeori,+ kuti munhu wose akatevera Bhaari wePeori ndiye akatsakatiswa naJehovha Mwari wenyu pakati penyu.+ 4 Asi imi muri kunamatira+ kuna Jehovha Mwari wenyu, mose zvenyu muri vapenyu nhasi. 5 Onai, ndakakudzidzisai mirau+ nezvakatongwa,+ sezvandakarayirwa naJehovha Mwari wangu, kuti imi muite saizvozvo pakati penyika yamuchatora kuti ive yenyu. 6 Muzvichengete uye muzviite, nokuti ndiko kuchenjera+ kwenyu nokunzwisisa+ kwenyu pamberi pemarudzi achanzwa nezvemirau yose iyi, uye achati, ‘Chokwadi rudzi rukuru urwu, vanhu vakachenjera uye vanonzwisisa.’+ 7 Nokuti ndorupi rudzi rukuru+ ruripo rune vanamwari vari pedyo narwo sezvakaita Jehovha Mwari wedu pakudana kwose kwatinoita kwaari?+ 8 Uye ndorupi rudzi rukuru ruripo rune mirau yakarurama nezvakatongwa sezvakaita mutemo wose uyu wandiri kuisa pamberi penyu nhasi?+
9 “Asi zvichenjerere, utarisire mweya wako zvakanaka,+ kuti urege kukanganwa zvinhu zvakaonekwa nemaziso ako+ uye kuti zvirege kubva mumwoyo mako mazuva ose oupenyu hwako;+ uzvizivise vanakomana vako nevazukuru vako,+ 10 musi wawakamira pamberi paJehovha Mwari wako muHorebhi,+ Jehovha paakati kwandiri, ‘Unganidza vanhu kwandiri kuti ndiite kuti vanzwe mashoko angu,+ kuti vadzidze kunditya+ mazuva ose avanenge vari vapenyu panyika uye kuti vadzidzise vanakomana vavo.’+
11 “Naizvozvo makauya pedyo, mukamira mujinga megomo, uye gomo racho rakanga richibvira moto kusvikira pakati pedenga; pakanga paine rima, gore nezarima.+ 12 Jehovha akatanga kutaura nemi ari pakati pomoto+ wacho. Maingonzwa mashoko, asi hapana chimiro+ chamaiona—maingonzwa inzwi+ chete. 13 Akakuudzai sungano+ yake, yaakakurayirai kuti muite—iwo Mashoko Gumi,+ achibva azoanyora pamahwendefa maviri ematombo.+ 14 Panguva iyoyo chaiyo ndini ndakarayirwa naJehovha kuti ndikudzidzisei mirau nezvakatongwa, kuti muzviite munyika yamuri kuyambukira kwairi kuti muitore, ive yenyu.+
15 “Munofanira kutarisira mweya yenyu zvakanaka,+ nokuti hapana chero chimiro+ chipi zvacho chamakaona pazuva rakataura Jehovha nemi muHorebhi ari pakati pomoto, 16 kuti murege kuita zvakaipa+ uye murege kuzvigadzirira mufananidzo wakavezwa, mufananidzo wechiratidzo chero wechinhu chipi zvacho, mufananidzo womunhurume kana kuti munhukadzi,+ 17 mufananidzo wemhuka chero ipi zvayo iri panyika,+ mufananidzo weshiri chero ipi zvayo ine mapapiro inobhururuka mumatenga,+ 18 mufananidzo wechinhu chero chipi zvacho chinofamba panyika, mufananidzo wehove+ chero ipi zvayo iri mumvura pasi penyika; 19 uye kuti murege kutarira kumatenga moona zuva nomwedzi nenyeredzi, uto rose rokumatenga, mukanyengedzwa, mukazvikotamira nokuzvishumira,+ izvo Jehovha Mwari wenyu akagovera marudzi ose ari pasi pematenga ose.+ 20 Asi imi ndimi makatorwa naJehovha kuti akubudisei muvira resimbi,+ muIjipiti, kuti muve rudzi rwake pachake+ sezvazvakaita nhasi.
21 “Zvino Jehovha akanditsamwira kwazvo nokuda kwenyu,+ zvokuti akapika kuti handifaniri kuyambuka Jodhani kana kupinda munyika yakanaka yamuchapiwa naJehovha Mwari wenyu kuti ive nhaka yenyu.+ 22 Nokuti ndichafira munyika ino.+ Handizoyambuki Jodhani, asi imi muchayambuka, uye munofanira kutora nyika iyi yakanaka kuti ive yenyu. 23 Chenjererai kuti murege kukanganwa sungano yaJehovha Mwari wenyu yaakaita nemi+ uye kuti murege kuzvigadzirira mufananidzo wakavezwa, mufananidzo wechinhu chero chipi zvacho chamakarayirwa naJehovha Mwari wenyu kuti musagadzira.+ 24 Nokuti Jehovha Mwari wako moto unoparadza,+ ndiMwari anoda kuzvipira kwakazara.+
25 “Kana mukabereka vanakomana nevazukuru uye mukagara kwenguva refu munyika, mukaita zvakaipa+ uye mukaita mufananidzo wakavezwa,+ mufananidzo wechinhu chero chipi zvacho, mukaita zvakaipa pamberi paJehovha Mwari+ wenyu kuti mumugumbure, 26 ndinoshevedza matenga nenyika kuti zvikupupurirei nhasi,+ kuti chokwadi muchakurumidza kuparara panyika yamuri kuyambukira Jodhani kuti munoitora, ive yenyu. Hamuzovi nemazuva mazhinji pairi, nokuti chokwadi muchatsakatiswa.+ 27 Jehovha achakuparadzirai pakati pemamwe marudzi,+ uye muchasiyiwa muri vashoma+ pakati pemarudzi amuchadzingirwa kwaari naJehovha. 28 Ikoko muchashumira vamwe vanamwari,+ basa remaoko omunhu, vematanda nevematombo,+ vasingagoni kuona kana kunzwa kana kudya kana kunhuhwidza.+
29 “Kana mukatsvaka Jehovha Mwari wenyu muri ikoko, muchamuwana,+ nokuti muchamutsvaka nemwoyo yenyu yose uye nemweya yenyu yose.+ 30 Paunenge uchitambudzika kwazvo uye mashoko ose aya aitika kwauri pachapera mazuva acho, uchabva wadzokera kuna Jehovha Mwari wako+ uye uchateerera inzwi rake.+ 31 Nokuti Jehovha Mwari wako ndiMwari ane ngoni.+ Haazokusiyi kana kukuparadza kana kukanganwa sungano+ yemadzitateguru ako yaakavapikira.
32 “Zvino ndapota, bvunza nezvemazuva ekare+ akavapo iwe usati wavapo, kubvira pazuva rakasikwa munhu panyika+ naMwari uye kubvira kune mumwe mugumo wematenga kusvikira kune mumwe mugumo wematenga, Chimwe chinhu chikuru chakadai chakamboitwa kuti chiitike here uye chimwe chinhu chakadai chakambonzwiwa here?+ 33 Pane vamwe vanhu vakambonzwa inzwi raMwari richitaura riri pakati pomoto sokurinzwa kwawakaita, vakaramba vachirarama here?+ 34 Kana kuti Mwari akamboedza kuzvitorera rudzi pakati porumwe rudzi achishandisa miedzo+ nezviratidzo+ nezvishamiso+ nehondo+ noruoko rune simba+ noruoko rwakatambanudzwa+ uye kutyisa kukuru+ sezvose zvamakaitirwa naJehovha Mwari wenyu muIjipiti imi muchizviona here? 35 Iwe—wakaratidzwa, kuti uzive kuti Jehovha ndiye Mwari wechokwadi;+ hakuna mumwe kunze kwake.+ 36 Akaita kuti unzwe inzwi rake ari kumatenga kuti akururamise; uye akaita kuti uone moto wake mukuru panyika, uye wakanzwa mashoko ake achibva pakati pomoto.+
37 “Asi unoramba uchirarama, nokuti iye akada madzitateguru ako zvokuti akasarudza vana vawo vaiatevera,+ akakubudisa muIjipiti akakutarisa achishandisa simba+ rake guru, 38 kuti adzinge pamberi pako marudzi makuru neane simba kukupfuura, kuti aite kuti upinde imomo, kuti akupe nyika yawo kuti ive nhaka yako sezvazvakaita nhasi.+ 39 Unonyatsoziva nhasi, uye unofanira kuyeuka nomwoyo wako kuti Jehovha ndiye Mwari wechokwadi kumatenga ari kumusoro nepanyika iri pasi.+ Hakuna mumwe.+ 40 Unofanira kuchengeta mirau+ yake nemirayiro yake yandiri kukurayira nhasi, kuti zvikufambire zvakanaka+ iwe nevanakomana vako vanokutevera, uye kuti uve nemazuva mazhinji panyika yauri kupiwa naJehovha Mwari wako,+ nguva dzose.”
41 Panguva iyoyo Mosesi akatsaura maguta matatu kudivi raJodhani riri nechokumabvazuva,+ 42 kuti muurayi anouraya mumwe wake asingazivi atizire ikoko,+ kana akanga asingamuvengi kare;+ anofanira kutizira kune rimwe remaguta aya, ararame,+ 43 anoti, Bhezeri+ riri murenje panyika yakati sandara nokuda kwevaRubheni, neRamoti+ riri muGiriyedhi nokuda kwevaGadhi, neGorani+ riri muBhashani nokuda kwevaManase.+
44 Zvino uyu ndiwo mutemo+ wakaiswa pamberi pevanakomana vaIsraeri naMosesi. 45 Izvi ndizvo zvipupuriro+ nemirau+ nezvakatongwa+ zvakataurwa naMosesi kuvanakomana vaIsraeri pavakabuda muIjipiti, 46 munzvimbo yaJodhani iri mumupata uri pakatarisana neBheti-peori,+ munyika yaSihoni mambo wevaAmori, aigara muHeshbhoni,+ akakundwa naMosesi nevanakomana vaIsraeri pavaibuda muIjipiti.+ 47 Vakatora nyika yake nenyika yaOgi+ mambo weBhashani kuti dzive dzavo, madzimambo maviri evaAmori aiva munzvimbo yaJodhani nechokumabvazuva, 48 kubvira kuAroeri,+ riri pamahombekombe omupata une rukova weAnoni, kusvikira kuGomo reSioni, kureva Hemoni,+ 49 neArabha+ yose iri munzvimbo yaJodhani nechokumabvazuva, kusvikira kugungwa reArabha+ riri mujinga menzvimbo dzakatenuka dzePisga.+