RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Eksodho 7:20
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 20 Mosesi naAroni vakabva vaita saizvozvo,+ sezvakanga zvarayirwa naJehovha,+ uye iye akasimudza tsvimbo yacho, akarova mvura yakanga iri muRwizi rwaNire Farao nevashandi vake vakatarira,+ mvura yose yaiva muRwizi rwaNire ikachinja kuva ropa.+

  • Eksodho 8:6
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 6 Aroni akabva atambanudzira ruoko rwake pamvura yeIjipiti, matatya akatanga kubuda, akafukidza nyika yeIjipiti.

  • Eksodho 8:17
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 17 Vakabva vaita izvi. Naizvozvo Aroni akatambanudza ruoko rwake rwakanga rwakabata tsvimbo yake, akarova guruva repanyika, unyunyu hukava pavanhu nepamhuka. Guruva rose repanyika rakava unyunyu munyika yose yeIjipiti.+

  • Eksodho 9:6
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 6 Naizvozvo Jehovha akaita chinhu ichi zuva rakatevera racho, zvipfuwo zvemarudzi ose zveIjipiti zvikatanga kufa;+ asi hapana kana chimwe chezvipfuwo zvevanakomana vaIsraeri chakafa.

  • Eksodho 9:10
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 10 Naizvozvo vakatora chin’ai chomubisiro vakamira pamberi paFarao, Mosesi akachimwayira kumatenga, chikava mamota ane matuzu,+ aibuda pavanhu nepamhuka.

  • Eksodho 9:23
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 23 Naizvozvo Mosesi akatambanudzira tsvimbo yake kumatenga; Jehovha akaunza mabhanan’ana nechimvuramabwe,+ moto waidzika panyika, uye Jehovha akaramba achinayisa chimvuramabwe panyika yeIjipiti.

  • Eksodho 10:12
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 12 Zvino Jehovha akati kuna Mosesi: “Tambanudzira+ ruoko rwako panyika yeIjipiti nokuda kwemhashu, kuti dziuye panyika yeIjipiti, dzidye zvinomera zvose zvenyika ino, zvose zvakasiyiwa nechimvuramabwe.”+

  • Eksodho 10:21
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 21 Jehovha akabva ati kuna Mosesi: “Tambanudzira ruoko rwako kumatenga,+ kuti rima rivepo panyika yeIjipiti uye rima racho rive riya ringabatwa nemaoko.”

  • Dheuteronomi 4:34
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 34 Kana kuti Mwari akamboedza kuzvitorera rudzi pakati porumwe rudzi achishandisa miedzo+ nezviratidzo+ nezvishamiso+ nehondo+ noruoko rune simba+ noruoko rwakatambanudzwa+ uye kutyisa kukuru+ sezvose zvamakaitirwa naJehovha Mwari wenyu muIjipiti imi muchizviona here?

  • Nehemiya 9:10
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 10 Makabva maitira Farao nevashandi vake vose nevanhu vose vomunyika yake zviratidzo nezvishamiso,+ nokuti maiziva kuti vaizvikudza+ pamberi pavo; uye makazviitira zita+ sezvazvakaita nhasi.

  • Pisarema 105:27
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 27 Vakavaratidza zviratidzo zvake,+

      Nezvishamiso munyika yaHamu.+

  • Mabasa 7:36
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 36 Murume uyu akavabudisa+ pashure pokuita zvishamiso nezviratidzo muIjipiti+ nomuGungwa Dzvuku+ nomurenje kwemakore makumi mana.+

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe