1 Samueri 16:7 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 7 Asi Jehovha akati kuna Samueri: “Usatarira chitarisiko chake nourefu hwake,+ nokuti ndamuramba. Nokuti maonero anoita munhu haasiwo maonero anoita Mwari,+ nokuti munhuwo zvake anoona zvinooneka nemaziso;+ asi Jehovha, anoona zvakaita mwoyo.”+ Zvirevo 5:21 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 21 Nokuti nzira dzomunhu dziri pamberi pemaziso aJehovha,+ uye iye anofunga nezvemakwara ake ose.+ Zvirevo 17:3 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 3 Hari yokunatsira ndeyesirivha uye vira nderendarama,+ asi Jehovha ndiye muongorori wemwoyo.+ Zvirevo 21:2 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 2 Nzira dzose dzomunhu dzakarurama mukuona kwake,+ asi Jehovha ndiye anoona zvakaita mwoyo.+
7 Asi Jehovha akati kuna Samueri: “Usatarira chitarisiko chake nourefu hwake,+ nokuti ndamuramba. Nokuti maonero anoita munhu haasiwo maonero anoita Mwari,+ nokuti munhuwo zvake anoona zvinooneka nemaziso;+ asi Jehovha, anoona zvakaita mwoyo.”+