Zvirevo
21 Mwoyo wamambo wakaita sehova dzemvura dziri muruoko rwaJehovha.+ Anoutendeudzira kwose kwose kwaanoda.+
2 Nzira dzose dzomunhu dzakarurama mukuona kwake,+ asi Jehovha ndiye anoona zvakaita mwoyo.+
3 Kuita zvakarurama uye kururamisira zvinodiwa naJehovha kupfuura chibayiro.+
4 Maziso anozvikudza nomwoyo unozvitutumadza,+ iro rambi revakaipa, chivi.+
5 Zvirongwa zvomunhu anoshingaira zvinobatsira,+ asi munhu wose anokurumidzira zvinhu achashayiwa njere.+
6 Kuwana pfuma norurimi runoreva nhema imhepo inofemwa inopeperetswa,+ kune vaya vanotsvaka rufu.+
7 Kupamba kunoitwa nevakaipa kuchavazvuzvurudza,+ nokuti vakaramba kururamisira.+
8 Munhu, kunyange mumwe munhuwo zvake, haana kururama panzira yake;+ asi munhu akachena akarurama pabasa rake.+
9 Zviri nani kugara pakona yedenga reimba+ pane kugara muimba imwe chete nomudzimai anokakavara.+
10 Mweya womunhu akaipa unopanga zvakaipa;+ haanzwiri nyasha mumwe wake.+
11 Munhu asina zivo anochenjedzwa nokuripiswa kwomuseki;+ uye munhu paanoita kuti munhu akachenjera ave nenjere, iye anowana zivo.+
12 Munhu Akarurama anofunga nezveimba yomunhu akaipa,+ achiwisira vakaipa pasi kuti vawane dambudziko ravo.+
13 Munhu anovhara nzeve yake kuti arege kunzwa kuchema kwokunyunyuta kweakaderera,+ iye achashevedzerawo asi haazopindurwi.+
14 Chipo chinoitwa pakavanda chinodzikamisa kutsamwa;+ uye pfumbamuromo inenge iri munguo nechepachipfuva+ inodzikamisa hasha dzakasimba.
15 Kururamisira kunofadza munhu akarurama,+ asi pane chimwe chinhu chinotyisa kwazvo kune vaya vanoita zvinhu zvinokuvadza.+
16 Munhu anotsauka panzira yenjere,+ achazorora muungano yevaya vasina simba vari murufu.+
17 Munhu anongoda zvemafaro achava munhu anoshayiwa;+ anoda waini nemafuta haazowani pfuma.+
18 Munhu akaipa rudzikinuro rwomunhu akarurama;+ asi munhu anonyengera anotora nzvimbo yevakarurama.+
19 Zviri nani kugara murenje pane kugara nomudzimai anokakavara uchinetseka.+
20 Munzvimbo yokugara yomunhu akachenjera mune pfuma inokosha nemafuta,+ asi benzi richazvimedza.+
21 Munhu anotevera kururama+ nomutsa worudo achawana upenyu, kururama, nokukudzwa.+
22 Munhu akachenjera anokwira achipinda kunyange muguta revarume vane simba, kuti aputse simba rarinovimba naro.+
23 Munhu anochenjerera muromo wake norurimi rwake anochengeta mweya wake pakutambudzika.+
24 Mudadi anozvikudza, anozvitutumadza ndiro zita romunhu anoshatirwa kwazvo achizvikudza.+
25 Kupanga kwesimbe kuchaiuraya, nokuti maoko ayo akaramba kushanda.+ 26 Zuva rose inongopanga kwazvo, asi munhu akarurama anopa uye haana chaanonyima.+
27 Chibayiro chinopiwa nevakaipa chinhu chinosemesa.+ Zvakadini kana munhu akachiunza pamwe chete nokusazvibata.+
28 Chapupu chinoreva nhema chichaparara,+ asi munhu anoteerera achataura nokusingaperi.+
29 Munhu akaipa ane chiso chisinganyari,+ asi munhu akarurama ndiye achasimbisa nzira dzake kwazvo.+
30 Hapana uchenjeri, kana ungwaru chero hupi zvahwo, kana zano chero ripi zvaro zvingarwisana naJehovha.+
31 Bhiza rinogadzirirwa zuva rokurwa,+ asi ruponeso ndorwaJehovha.+