Pisarema 110:2 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 2 Jehovha achatambanudza tsvimbo+ yesimba rako kubva muZiyoni,+ achiti:“Enda ukunde pakati pevavengi vako.”+ Isaya 51:4 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 4 “Nditeererei, haiwa imi vanhu vangu; ndinzwei, imi boka rangu remarudzi.+ Nokuti ndichabudisa mutemo,+ uye ndichaita kuti zvandakatonga zvive chiedza kumarudzi.+ VaRoma 10:18 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 18 Kunyange zvakadaro ndinobvunza kuti, Havana kukundikana kunzwa here? Chokwadi, chaizvoizvo, “inzwi ravo rakabuda rikaenda munyika yose,+ uye mashoko avo kumigumo yenyika inogarwa.”+ Zvakazarurwa 21:24 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 24 Marudzi achafamba nechiedza charo,+ uye madzimambo enyika achaunza kubwinya kwawo mariri.+
2 Jehovha achatambanudza tsvimbo+ yesimba rako kubva muZiyoni,+ achiti:“Enda ukunde pakati pevavengi vako.”+
4 “Nditeererei, haiwa imi vanhu vangu; ndinzwei, imi boka rangu remarudzi.+ Nokuti ndichabudisa mutemo,+ uye ndichaita kuti zvandakatonga zvive chiedza kumarudzi.+
18 Kunyange zvakadaro ndinobvunza kuti, Havana kukundikana kunzwa here? Chokwadi, chaizvoizvo, “inzwi ravo rakabuda rikaenda munyika yose,+ uye mashoko avo kumigumo yenyika inogarwa.”+