RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Ezra 1:1
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 1 Zvino mugore rokutanga raKoreshi+ mambo wePezhiya, kuti shoko raJehovha rakabuda mumuromo maJeremiya+ riitike, Jehovha akamutsa+ mwoyo waKoreshi mambo wePezhiya zvokuti akaita kuti kushevedzera+ kuitwe muumambo hwake hwose, uyewo akanyora,+ achiti:

  • Isaya 41:25
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 25 “Ndamutsa mumwe munhu wokuchamhembe, uye iye achauya.+ Achashevedza zita rangu ari kumabvazuva.+ Achatsika vatevedzeri vevatongi sokunge kuti ivhu+ uye sezvinoita muumbi anotsika-tsika ivhu nyoro.

  • Isaya 45:1
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 45 Zvanzi naJehovha kumuzodziwa+ wake, kuna Koreshi, wandakabata ruoko rwake rworudyi,+ kuti ndikunde marudzi pamberi pake,+ kuti ndisunungure hudyu dzemadzimambo; kuti ndimuvhurire masuo ane madhoo maviri, zvokuti kunyange magedhi haazovharwi:

  • Isaya 46:11
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 11 Iye ari kushevedza shiri inodya nyama iri kunobuda zuva,+ murume ari kunyika iri kure kuti aite zvandakaronga.+ Ndakazvitaura; ndichazviunzawo.+ Ndakazviumba, ndichazviitawo.+

  • Dhanieri 10:1
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 10 Mugore rechitatu raKoreshi+ mambo wePezhiya pane chinhu chakaratidzwa Dhanieri, uya ainzi Bheteshazari;+ uye chinhu chacho chaiva chechokwadi, uye paiva nokurwa kukuru.+ Iye akanzwisisa chinhu chacho, uye akanzwisisa chinhu chaakanga aona.+

Mabhuku eChiShona (1973-2026)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe