Zvirevo 16:25 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 25 Kune nzira yakarurama mukuona kwomunhu,+ asi kuguma kwayo inzira dzorufu.+ Zvirevo 21:2 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 2 Nzira dzose dzomunhu dzakarurama mukuona kwake,+ asi Jehovha ndiye anoona zvakaita mwoyo.+ Dhanieri 4:37 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 37 “Zvino ini, Nebhukadhinezari, ndinorumbidza nokukwidziridza nokukudza Mambo wokumatenga,+ nokuti mabasa ake ose ndeechokwadi nenzira dzake ndedzokururamisira,+ uye nokuti anoninipisa vaya vanozvikudza.”+ Hosiya 14:9 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 9 Ndiani akachenjera, kuti anzwisise zvinhu izvi?+ Ndiani akangwara kuti azvizive?+ Nokuti nzira dzaJehovha dzakarurama,+ uye vakarurama ndivo vachafamba madziri;+ asi vadariki ndivo vachagumburwa madziri.+
37 “Zvino ini, Nebhukadhinezari, ndinorumbidza nokukwidziridza nokukudza Mambo wokumatenga,+ nokuti mabasa ake ose ndeechokwadi nenzira dzake ndedzokururamisira,+ uye nokuti anoninipisa vaya vanozvikudza.”+
9 Ndiani akachenjera, kuti anzwisise zvinhu izvi?+ Ndiani akangwara kuti azvizive?+ Nokuti nzira dzaJehovha dzakarurama,+ uye vakarurama ndivo vachafamba madziri;+ asi vadariki ndivo vachagumburwa madziri.+