Isaya 25:8 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 8 Chokwadi achaparadza rufu nokusingaperi,+ uye Changamire Ishe Jehovha achapukuta misodzi pazviso zvose.+ Achabvisa kuzvidzwa kwevanhu vake panyika yose,+ nokuti iye Jehovha azvitaura. Isaya 30:19 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 19 Ivo vanhu vari muZiyoni+ pavachagara muJerusarema,+ chokwadi iwe hauzosvimhi misodzi.+ Chokwadi iye achakunzwira nyasha paanonzwa kuchema kwako; achakupindura paanongokunzwa.+ Isaya 35:10 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 10 Vakadzikinurwa naJehovha vachadzoka,+ vachasvika kuZiyoni vachishevedzera nomufaro;+ uye kufara nokusingagumi kuchava pamisoro yavo.+ Vachapembera nomufaro uye vachafara, shungu nokugomera zvichatiza.+ Zvakazarurwa 21:4 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 4 Achapukuta misodzi yose+ pamaziso avo, rufu haruchazovipo,+ kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipozve.+ Zvinhu zvokutanga zvapfuura.”+
8 Chokwadi achaparadza rufu nokusingaperi,+ uye Changamire Ishe Jehovha achapukuta misodzi pazviso zvose.+ Achabvisa kuzvidzwa kwevanhu vake panyika yose,+ nokuti iye Jehovha azvitaura.
19 Ivo vanhu vari muZiyoni+ pavachagara muJerusarema,+ chokwadi iwe hauzosvimhi misodzi.+ Chokwadi iye achakunzwira nyasha paanonzwa kuchema kwako; achakupindura paanongokunzwa.+
10 Vakadzikinurwa naJehovha vachadzoka,+ vachasvika kuZiyoni vachishevedzera nomufaro;+ uye kufara nokusingagumi kuchava pamisoro yavo.+ Vachapembera nomufaro uye vachafara, shungu nokugomera zvichatiza.+
4 Achapukuta misodzi yose+ pamaziso avo, rufu haruchazovipo,+ kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipozve.+ Zvinhu zvokutanga zvapfuura.”+