29 Kunyange maivapupurira+ kuti muvadzose kumutemo wenyu,+ ivo vakatozvikudza+ vakasateerera mirayiro yenyu; uye vakatadzira+ zvamakatonga,+ izvo zvinoti, kana munhu achizviita, zvinomuraramisawo.+ Vakaramba vakasindimara,+ vakaomesa mitsipa yavo,+ uye havana kuteerera.+