Jeremiya
6 Vandai, haiwa imi vanakomana vaBhenjamini, muchibva pakati peJerusarema; uye ridzai hwamanda+ muTekoa.+ Simudzai chiratidzo chomoto pamusoro peBheti-hakeremu;+ nokuti kutambudzika kwatarira pasi kuchibuda kuchamhembe, iko kuputsa kukuru.+ 2 Zvechokwadi mwanasikana weZiyoni afanana nomukadzi akaberekwa akanaka uye akatunhidzwa.+ 3 Vafudzi nemapoka avo vakauya kwaari. Vakadzika matende avo vakamupoteredza.+ Mumwe nomumwe akafura chikamu chake.+ 4 Ivo vamutsaurira hondo+ vachiti: “Simukai tiende ari masikati!”+
“Tine nhamo, nokuti kwava kuda kuvira, nokuti mimvuri yemanheru inoramba ichireba!”
5 “Simukai, handei huri usiku, tiparadze shongwe dzake dzaanogara.”+
6 Nokuti zvanzi naJehovha wemauto: “Temai miti+ mugadzire rusvingo rwokukomba narwo Jerusarema.+ Ndiro guta rinofanira kuitwa kuti rizvidavirire.+ Rizere noudzvinyiriri.+ 7 Rakachengeta zvakaipa zvaro zvichitonhorera, sezvinoita mugodhi unochengeta mvura yawo ichitonhorera. Chisimba nokupamba zvinonzwika mariri;+ urwere nedambudziko zviri pamberi pechiso changu nguva dzose. 8 Ruramiswa,+ haiwa iwe Jerusarema, kuti mweya wangu urege kukufuratira wasemeswa newe;+ kuti ndirege kukuita dongo, nyika isingagarwi.”+
9 Zvanzi naJehovha wemauto: “Chokwadi vachaunganidza vakasara vaIsraeri sezvinoitwa pamuzambiringa.+ Tsvaka noruoko rwako somunhu ari kutanha mazambiringa pazvinotandira zvomuzambiringa.”
10 “Ndichataura naani ndonyevera, kuti vanzwe? Tarira! Nzeve dzavo hadzina kudzingiswa, zvokuti havakwanisi kuteerera.+ Tarira! Kwavari shoko raJehovha rava kuzvidzwa,+ iro shoko ravasingafariri.+ 11 Ndazara nehasha dzaJehovha. Ndaneta nokuramba ndakanyarara.”+
“Dzidururire pamwana ari mumugwagwa+ nepaboka remajaya anoshamwaridzana panguva imwe chete; nokuti vachabatwawo, murume pamwe chete nomudzimai wake, achembera pamwe chete naiye ane mazuva mazhinji.+ 12 Dzimba dzavo dzichapiwa vamwe kuti dzive dzavo, minda nemadzimai panguva imwe chete.+ Nokuti ndichatambanudzira ruoko rwangu vagari vomunyika yacho,” ndizvo zvinotaura Jehovha.+
13 “Nokuti kubvira kumuduku wavo kusvikira kumukuru wavo, munhu wose ari kuwana pfuma isina kururama;+ uye kubvira kumuprofita kusvikira kumupristi, mumwe nomumwe ari kunyengedzera.+ 14 Vanoedza kuporesa zvishomanana kuparara kwevanhu vangu,+ vachiti, ‘Kune rugare! Kune rugare!’ iko kusina rugare.+ 15 Vakanyara here nokuti vakanga vaita chinhu chinosemesa?+ Kutanga, chokwadi havambonyari; uyewo, havasati vava kuziva kuti vanonyara sei.+ Naizvozvo vachawa pamwe chete nevaya vari kuwa;+ vachagumburwa panguva yandichavaita kuti vazvidavirire,” Jehovha adaro.
16 Zvanzi naJehovha: “Mirai munzira, muone, mubvunze nezvemigwagwa yekare, apo zvino pane nzira yakanaka;+ mufambe mairi,+ uye muwanire mweya yenyu zororo.”+ Asi ivo vakaramba vachiti: “Hatisi kuzofamba.”+ 17 “Ndakakumutsirai varindi+ vaiti, ‘Teererai kurira kwehwamanda!’”+ Asi ivo vakaramba vachiti: “Hatisi kuzoteerera.”+ 18 “Naizvozvo inzwai, haiwa imi marudzi! Ziva, haiwa iwe ungano, zvichava pakati pavo. 19 Teerera, haiwa iwe nyika! Tarira ndiri kuunza dambudziko pavanhu ava+ sezvibereko zvokufunga kwavo,+ nokuti havana kuteerera mashoko angu; uye mutemo wangu—vakarambawo vachiuramba.”+
20 “Izvi zvinei neni zvamunouya nezvinonhuhwirira zvichena zvinobva kuShebha+ neipwa dzinonhuhwirira dzakanaka dzinobva kunyika iri kure? Zvinopiwa zvenyu zvinopiswa zvakakwana hazvifadzi,+ uye zvibayiro zvenyu zvave zvisingandigutsi.”+ 21 Naizvozvo zvanzi naJehovha: “Tarirai ndiri kuisira vanhu ava zvinhu zvinogumbura,+ uye vachagumburwa nazvo, vanababa nevanakomana pamwe chete; muvakidzani neshamwari yake—vachaparara.”+
22 Zvanzi naJehovha: “Tarirai! Vanhu vari kuuya vachibva kunyika yokuchamhembe, uye kune rudzi rukuru ruchamutswa ruchibva kumativi ari kure kwazvo enyika.+ 23 Vachabata uta nepfumo duku.+ Vane utsinye, uye havazovi netsitsi. Inzwi ravo richatinhira segungwa,+ uye vachatasva mabhiza.+ Rudzi rwacho rwakagadzirira kurwa newe somurume wehondo, haiwa iwe mwanasikana weZiyoni.”+
24 Tanzwa mashoko pamusoro parwo. Maoko edu ati regwede.+ Tabatwa nokutambudzika, nemarwadzo okusununguka seomukadzi ari kusununguka.+ 25 Musabuda muchienda kusango, uye musafamba kunyange munzira; nokuti kune bakatwa romuvengi, kune zvinhu zvinotyisa kumativi ose.+ 26 Haiwa iwe mwanasikana wevanhu vangu, sungira masaga+ uumburuke mumadota.+ Kuchema kwako ngakuve sokuya kwomunhu anochema mwanakomana mumwe oga, kuungudza kwokurwadziwa;+ nokuti mupambi achangoerekana atisvikira.+
27 “Ndakakuita munhu anoedza simbi pakati pevanhu vangu, munhu anotsvakisisa; uchaziva uye uchaongorora nzira yavo.+ 28 Vose zvavo varume vakasindimara chose,+ vanofamba-famba vachichera vamwe+—mhangura nesimbi. Vose zvavo vakaipa.+ 29 Mvuto+ dzapiswa. Mutobvu unobuda mumoto wadzo.+ Mumwe munhu aramba achinatsa kwazvo pasina, uye vaya vakaipa havana kuparadzaniswa.+ 30 Chokwadi vanhu vachavatumidza kuti sirivha yakarambwa,+ nokuti Jehovha avaramba.”+