-
Dhanieri 5:21Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
-
-
21 Akadzingwa pakati pevanakomana vevanhu, mwoyo wake ukaitwa sowemhuka, uye akagara pamwe chete nembongoro dzomusango.+ Vaimupa uswa kuti adye sezvinoita nzombe, muviri wake wakanyoroveswa nedova rokumatenga,+ kusvikira aziva kuti Mwari Wokumusorosoro ndiye Mutongi muumambo hwevanhu, uye kuti anogadza waanoda pahuri.+
-