RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Isaya 60:15
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 15 “Panzvimbo pokuti uve akasiyiwa zvachose neanovengwa, usisina munhu anopfuura nomauri,+ ndichaita kuti uve chinhu chokudada nacho nokusingagumi, chinopembererwa nomufaro kwezvizvarwa nezvizvarwa.+

  • Isaya 61:7
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 7 Panzvimbo penyadzi dzenyu pachava nemigove miviri,+ panzvimbo pokunyadziswa vachashevedzera vachifara pamusoro pomugove wavo.+ Naizvozvo vachaita kuti migove miviri ive yavo munyika yavo.+ Vachafara nokusingagumi.+

  • Jeremiya 30:10
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 10 “Asi iwe usatya, haiwa mushumiri wangu Jakobho,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “usavhunduka, haiwa iwe Israeri.+ Nokuti tarira ndichakuponesa uchibva kure uye vana vako vachibva kunyika yokutapwa kwavo.+ Jakobho achadzoka, orega kuva nechinonetsa, ogara zvakanaka, uye hapazovi neanokonzera kudedera.”+

  • Jeremiya 33:9
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 9 Kwandiri richava zita rokupembera nomufaro,+ kurumbidzwa norunako kumarudzi ose enyika achanzwa zvakanaka zvose zvandichadziitira.+ Achatya+ odedera+ nokuda kwezvakanaka zvose uye nokuda kworugare rwose rwandicharipa.’”+

  • Ezekieri 39:25
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 25 “Naizvozvo zvanzi naChangamire Ishe Jehovha, ‘Zvino ndipo pandichadzosa vakatapwa vaJakobho+ ndonzwira ngoni imba yose yaIsraeri;+ uye ndicharatidza kuzvipira kwakazara nokuda kwezita rangu dzvene.+

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe