Isaya
61 Mudzimu waChangamire Ishe Jehovha uri pandiri,+ nokuti Jehovha akandizodza+ kuti ndizivise vanyoro+ mashoko akanaka. Akandituma kuti ndisunge maronda evakaora mwoyo,+ kuti ndizivise vaya vakatapwa+ kusunungurwa nokusvinudzwa kwemaziso kuvasungwa;+ 2 kuti ndizivise gore rokufarirwa naJehovha+ nezuva rokutsiva kwaMwari wedu;+ kuti ndinyaradze vose vanochema;+ 3 kuti ndipe vaya vanochema pamusoro peZiyoni, kuti ndivape chishongo chomusoro panzvimbo pemadota,+ mafuta okupembera nomufaro+ panzvimbo pokuchema, jasi rokurumbidza panzvimbo pokuora mwoyo;+ uye ivo vachanzi miti mikuru yokururama,+ zvakadyarwa naJehovha,+ kuti apiwe runako.+ 4 Vachavakazve nzvimbo dzakaparadzwa kare;+ vachamutsa nzvimbo dzakaitwa matongo dzomunguva yekare,+ uye vachamutsidzira maguta akaparadzwa,+ idzo nzvimbo dzakaitwa matongo kwezvizvarwa nezvizvarwa.
5 “Vanhu vamusingazivi vachamira vofudza mapoka enyu ezvipfuwo,+ uye vokune imwe nyika+ vachava varimi venyu nevatarisiri venyu vemizambiringa.+ 6 Asi imi muchanzi vapristi vaJehovha;+ imi muchanzi vashumiri+ vaMwari wedu. Muchadya pfuma yemarudzi,+ uye muchataura pamusoro penyu muchifara kwazvo mukukudzwa kwawo.+ 7 Panzvimbo penyadzi dzenyu pachava nemigove miviri,+ panzvimbo pokunyadziswa vachashevedzera vachifara pamusoro pomugove wavo.+ Naizvozvo vachaita kuti migove miviri ive yavo munyika yavo.+ Vachafara nokusingagumi.+ 8 Nokuti ini, Jehovha, ndinoda kururamisira,+ ndinovenga ugororo pamwe chete nokusarurama.+ Ndichapa mubayiro wavo nokutendeka,+ uye ndichaita navo sungano inogara nokusingagumi.+ 9 Vana vavo vachazivikanwa pakati pemarudzi,+ uye vazukuru vavo pakati pevanhu. Vose vaya vari kuvaona vachavaziva,+ kuti ndivo vana vakakomborerwa naJehovha.”+
10 Chokwadi ndichapemberera Jehovha nomufaro.+ Mweya wangu uchafarira Mwari wangu.+ Nokuti akandipfekedza nguo dzoruponeso;+ akandiputira nejasi risina maoko rokururama,+ kufanana nomuroori uyo anopfeka chishongo chomumusoro+ sezvinoita mupristi, uye sezvinoita mwenga anoshonga zvishongo zvake.+ 11 Nokuti nyika zvainobudisa zvinomera zvayo, uye munda zvaunomeresa zvinhu zvakadyarwa mauri,+ saizvozvowo Changamire Ishe Jehovha achameresa kururama+ nokurumbidza pamberi pemarudzi ose.+