Pisarema 105:4 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 4 Tsvakai Jehovha nesimba rake.+Tsvakai kunzwirwa nyasha naye nguva dzose.+ Isaya 2:3 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 3 Marudzi mazhinji achaenda achiti: “Uyai,+ ngatikwirei kugomo raJehovha, kuimba yaMwari waJakobho; iye achatirayiridza nezvenzira dzake, uye isu tichafamba mumakwara ake.”+ Nokuti mutemo uchabuda muZiyoni, uye shoko raJehovha richabuda muJerusarema.+ Isaya 55:6 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 6 Tsvakai Jehovha, achiri kuwanika.+ Danai kwaari achiri pedyo.+ Amosi 5:6 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 6 Haiwa imi imba yaJosefa,+ tsvakai Jehovha kuti murambe muchirarama,+ kuti arege kupfuta somoto,+ uye iwo urege kuparadza, kuti muBheteri murege kuva nomunhu anoudzima,+
3 Marudzi mazhinji achaenda achiti: “Uyai,+ ngatikwirei kugomo raJehovha, kuimba yaMwari waJakobho; iye achatirayiridza nezvenzira dzake, uye isu tichafamba mumakwara ake.”+ Nokuti mutemo uchabuda muZiyoni, uye shoko raJehovha richabuda muJerusarema.+
6 Haiwa imi imba yaJosefa,+ tsvakai Jehovha kuti murambe muchirarama,+ kuti arege kupfuta somoto,+ uye iwo urege kuparadza, kuti muBheteri murege kuva nomunhu anoudzima,+