Isaya
2 Chinhu chakaonekwa naIsaya mwanakomana waAmozi pamusoro peJudha neJerusarema:+ 2 Zvino nemazuva okupedzisira+ gomo reimba+ yaJehovha richasimbiswa kwazvo kupfuura misoro yemakomo,+ richakwidziridzwa kupfuura zvikomo;+ uye marudzi ose achadirana achienda kwariri.+ 3 Marudzi mazhinji achaenda achiti: “Uyai,+ ngatikwirei kugomo raJehovha, kuimba yaMwari waJakobho; iye achatirayiridza nezvenzira dzake, uye isu tichafamba mumakwara ake.”+ Nokuti mutemo uchabuda muZiyoni, uye shoko raJehovha richabuda muJerusarema.+ 4 Achatonga pakati pemarudzi,+ oruramisa+ zvinhu pamusoro pemarudzi mazhinji.+ Vachapfura mapakatwa avo kuti ave miromo yemagejo nemapfumo avo kuti ave zvokuchekereresa miti.+ Rumwe rudzi haruzosimudziri rumwe rudzi bakatwa, havazodzidzizve kurwa.+
5 Haiwa imi vanhu veimba yaJakobho, uyai tifambe muchiedza chaJehovha.+
6 Nokuti makasiya vanhu venyu, iyo imba yaJakobho.+ Nokuti vazara nezvinobva kuMabvazuva,+ vanoita zvemashiripiti+ sezvinoita vaFiristiya, uye vanowanzwa nevana vevanhu vokune dzimwe nyika.+ 7 Nyika yavo yakazara nesirivha nendarama, uye pfuma yavo haiperi.+ Nyika yavo yakazara nemabhiza, uye ngoro dzavo hadziperi.+ 8 Nyika yavo yakazara navanamwari vasina zvavanobatsira.+ Vanokotamira basa remaoko avo, chinhu chakaitwa neminwe yavo.+ 9 Munhu wepanyika anozvideredza, munhu anova akaderera, uye hazviiti kuti muvaregerere.+
10 Pinda mudombo uvande muguruva nokuda kwokutyisa kwaJehovha, uye nokuda kwoukuru hwake hwakanaka kwazvo.+ 11 Maziso anozvikudza omunhu wepanyika achaninipiswa, manyawi evanhu achaderedzwa;+ uye Jehovha oga achakwidziridzwa pazuva iroro.+ 12 Nokuti izuva raJehovha wemauto.+ Riri pavanhu vose vanozvikwidziridza nevane manyawi, nepavanhu vose vakakwirira kana kuti vakaderera;+ 13 pamisidhari yose yokuRebhanoni+ mirefu uye yakakwirira nepamiti yose mikuru yokuBhashani;+ 14 pamakomo ose marefu nepazvikomo zvose zvakakwirira;+ 15 pashongwe dzose dzakakwirira nepamasvingo ose akavakirirwa;+ 16 pangarava dzose dzeTashishi+ nepazvikepe zvose zvakanaka. 17 Kuzvikudza kwomunhu wepanyika kuchaderedzwa, uye manyawi evanhu achaderera;+ Jehovha oga achakwidziridzwa pazuva iroro.+
18 Vanamwari vasina zvavanobatsira vachaparara zvachose.+ 19 Vanhu vachapinda mumapako ematombo nomumakomba ari muvhu nokuda kwokutyisa kwaJehovha uye nokuda kwoukuru hwake hwakanaka kwazvo,+ paanosimuka kuti nyika izununguke.+ 20 Pazuva iroro munhu wepanyika achakandira midune nezviremwaremwa vanamwari vake vesirivha vasina zvavanobatsira navanamwari vake vendarama vasina zvavanobatsira vavakanga vamugadzirira kuti akotamire,+ 21 kuti apinde mumakomba ari mumatombo nomumikaha yemabwe, nokuda kwokutyisa kwaJehovha noukuru hwake hwakanaka kwazvo,+ paanosimuka kuti nyika izununguke. 22 Nokuda kwenyu, regai munhu wepanyika, ane mhepo yokufema mumhino dzake,+ nokuti nei iye achifanira kufungwa nezvake?+