Pisarema 85:8 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 8 Ndichanzwa zvichataurwa naMwari wechokwadi Jehovha,+Nokuti achataura nezvorugare kuvanhu vake+ nevakavimbika vake,Asi ngavarege kudzokerazve pakuzvivimba.+ Isaya 2:4 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 4 Achatonga pakati pemarudzi,+ oruramisa+ zvinhu pamusoro pemarudzi mazhinji.+ Vachapfura mapakatwa avo kuti ave miromo yemagejo nemapfumo avo kuti ave zvokuchekereresa miti.+ Rumwe rudzi haruzosimudziri rumwe rudzi bakatwa, havazodzidzizve kurwa.+ Isaya 60:17 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 17 Panzvimbo pemhangura ndichaunza ndarama,+ panzvimbo pesimbi ndichaunza sirivha, panzvimbo pematanda, mhangura, panzvimbo pematombo, simbi; uye ndichagadza rugare kuti ruve vatariri+ vako uye kururama kuti kuve vanokupa basa.+ Zekariya 8:12 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 12 ‘Nokuti pachava nembeu yorugare;+ muzambiringa uchabereka zvibereko zvawo,+ nyika ichabudisa zvibereko zvayo,+ matenga achapa dova rawo;+ uye ndichaita kuti vachasara+ vevanhu ava vagare nhaka zvinhu zvose izvi.+ Johani 14:27 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 27 Ndinokusiyirai rugare, ndinokupai rugare rwangu.+ Handirupi imi sokurupa kunoita nyika. Musarega mwoyo yenyu ichinetseka kana kuirega ichipera nokutya.
8 Ndichanzwa zvichataurwa naMwari wechokwadi Jehovha,+Nokuti achataura nezvorugare kuvanhu vake+ nevakavimbika vake,Asi ngavarege kudzokerazve pakuzvivimba.+
4 Achatonga pakati pemarudzi,+ oruramisa+ zvinhu pamusoro pemarudzi mazhinji.+ Vachapfura mapakatwa avo kuti ave miromo yemagejo nemapfumo avo kuti ave zvokuchekereresa miti.+ Rumwe rudzi haruzosimudziri rumwe rudzi bakatwa, havazodzidzizve kurwa.+
17 Panzvimbo pemhangura ndichaunza ndarama,+ panzvimbo pesimbi ndichaunza sirivha, panzvimbo pematanda, mhangura, panzvimbo pematombo, simbi; uye ndichagadza rugare kuti ruve vatariri+ vako uye kururama kuti kuve vanokupa basa.+
12 ‘Nokuti pachava nembeu yorugare;+ muzambiringa uchabereka zvibereko zvawo,+ nyika ichabudisa zvibereko zvayo,+ matenga achapa dova rawo;+ uye ndichaita kuti vachasara+ vevanhu ava vagare nhaka zvinhu zvose izvi.+
27 Ndinokusiyirai rugare, ndinokupai rugare rwangu.+ Handirupi imi sokurupa kunoita nyika. Musarega mwoyo yenyu ichinetseka kana kuirega ichipera nokutya.