Johani 15:16 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 16 Hamuna kundisarudza, asi ini ndakakusarudzai, uye ndakakugadzai kuti mupfuurire uye murambe muchibereka zvibereko+ uye kuti zvibereko zvenyu zvirambe zviripo; kuti pasinei nechamunokumbira Baba muzita rangu vakupei icho.+ VaEfeso 1:4 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 4 sokutisarudza+ kwaakaita tiri pamwe naye nyika isati yavambwa,+ kuti tive vatsvene, vasina gwapa+ pamberi pake murudo.+ 2 VaTesaronika 2:13 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 13 Zvisinei, hama dzinodiwa naJehovha, tinosungirwa kuti tigare tichionga Mwari nokuda kwenyu, nokuti Mwari akakusarudzai+ kubvira pakutanga kuti muponeswe nokukutsvenesai+ nomudzimu+ uye nokutenda kwenyu muchokwadi.+ 2 Timoti 2:10 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 10 Nokuda kweizvi ndinoramba ndichitsungirira zvinhu zvose nokuda kwevakasarudzwa,+ kuti ivowo vawane ruponeso ruri pamwe naKristu Jesu pamwe chete nokubwinya kusingaperi.+
16 Hamuna kundisarudza, asi ini ndakakusarudzai, uye ndakakugadzai kuti mupfuurire uye murambe muchibereka zvibereko+ uye kuti zvibereko zvenyu zvirambe zviripo; kuti pasinei nechamunokumbira Baba muzita rangu vakupei icho.+
4 sokutisarudza+ kwaakaita tiri pamwe naye nyika isati yavambwa,+ kuti tive vatsvene, vasina gwapa+ pamberi pake murudo.+
13 Zvisinei, hama dzinodiwa naJehovha, tinosungirwa kuti tigare tichionga Mwari nokuda kwenyu, nokuti Mwari akakusarudzai+ kubvira pakutanga kuti muponeswe nokukutsvenesai+ nomudzimu+ uye nokutenda kwenyu muchokwadi.+
10 Nokuda kweizvi ndinoramba ndichitsungirira zvinhu zvose nokuda kwevakasarudzwa,+ kuti ivowo vawane ruponeso ruri pamwe naKristu Jesu pamwe chete nokubwinya kusingaperi.+