2 Timoti
2 Naizvozvo, iwe, mwana+ wangu, ramba uchiva nesimba+ mumutsa usina kukodzera kuwanwa+ uri muna Kristu Jesu, 2 uye zvinhu zvawakanzwa kwandiri zvichitsigirwa nezvapupu zvizhinji,+ zvinhu izvi zvipe vanhu vakatendeka, avo vachanyatsokwanisawo kudzidzisa vamwe.+ 3 Tamburawo nezvinhu zvakaipa+ somurwi akanaka kwazvo+ waKristu Jesu. 4 Hapana munhu anoshanda somurwi+ anozvipinza mumabasa okutengeserana oupenyu,+ kuti afarirwe nouya akamupinza basa somurwi. 5 Zvakare, kana munhu achikwikwidza kunyange mumitambo,+ haapiwi korona kunze kwokunge akwikwidza maererano nemirau yacho. 6 Murimi anoshanda nesimba ndiye anofanira kuva munhu wokutanga kudya zvibereko.+ 7 Ramba uchifunga zvandiri kutaura; chokwadi Ishe achakupa ungwaru+ pazvinhu zvose.
8 Yeuka kuti Jesu Kristu akamutswa kubva kuvakafa+ uye akanga ari wokuvana vaDhavhidhi,+ maererano nemashoko akanaka andinoparidza;+ 9 ari kuita kuti nditambure nezvinhu zvakaipa zvokusvika pakuva muzvisungo zvomujeri+ somunhu anoita zvakaipa. Kunyange zvakadaro, shoko raMwari harina kusungwa.+ 10 Nokuda kweizvi ndinoramba ndichitsungirira zvinhu zvose nokuda kwevakasarudzwa,+ kuti ivowo vawane ruponeso ruri pamwe naKristu Jesu pamwe chete nokubwinya kusingaperi.+ 11 Shoko iri rakatendeka:+ Chokwadi kana takafa pamwe chete, tichararamawo pamwe chete;+ 12 kana tikaramba tichitsungirira, tichatongawo pamwe chete semadzimambo;+ kana tikaramba,+ iye achatirambawo; 13 kana tisina kutendeka, iye anoramba akatendeka,+ nokuti haangazvirambi.
14 Ramba uchivayeuchidza+ zvinhu izvi, uchivarayira+ pamberi paMwari sechapupu,+ kuti varege kuitisana nharo pamusoro pemashoko,+ zvisina kana zvazvinombobatsira, nokuti zvinokanganisa vaya vanenge vachiteerera. 15 Ita zvose zvaunogona kuti uzvipe kuna Mwari uchitenderwa,+ somushandi+ asina chokunyara nacho,+ anobata shoko rechokwadi zvakarurama.+ 16 Asi ramba kutaura kusina zvakunobatsira kunoshatisa zvinhu zvitsvene;+ nokuti vacharamba vachiwedzera pakusada Mwari,+ 17 uye shoko ravo richapararira seronda rinonyenga.+ Himeniyo naFiretusi ndevamwe vaivavo.+ 18 Varume ivava vakatsauka pachokwadi,+ vachiti kumuka kwakatoitika;+ uye vari kuparadza kutenda kwevamwe.+ 19 Nokuda kwaizvozvo zvose, nheyo yakasimba yaMwari inoramba iripo,+ iine chisimbiso ichi chokuti: “Jehovha anoziva vaya vari vake,”+ uye kuti: “Munhu wose anodana zita raJehovha+ ngaarambe zvinhu zvisina kururama.”+
20 Zvino muimba huru hamuna midziyo yendarama nesirivha chete asiwo yematanda neyevhu, mimwe yebasa rinokudzwa asi mimwe yebasa risingakudzwi.+ 21 Naizvozvo, kana munhu akaramba ari kure neyapedzisira kutaurwa, iye achava mudziyo webasa rinokudzwa, wakatsveneswa, unoshanda kumuridzi wawo, wakagadzirirwa mabasa ose akanaka.+ 22 Naizvozvo, tiza kuchiva kwouduku,+ asi tevera kururama,+ kutenda, rudo, rugare,+ pamwe chete nevaya vanodana panaShe zvichibva pamwoyo wakachena.+
23 Uyezve, ramba mibvunzo youpenzi neyokusaziva,+ uchiziva kuti inokonzera kurwa.+ 24 Asi muranda waShe haafaniri kurwa,+ asi anofanira kuva norupfave kuna vose,+ anokwanisa kudzidzisa,+ anoramba achizvidzora pakuitirwa zvakaipa,+ 25 achirayiridza nounyoro vaya vasingadi;+ kuti zvimwe Mwari avape rupfidzo,+ runoita kuti vawane zivo yakarurama pamusoro pechokwadi,+ 26 uye vapengenuke kubva mumusungo+ waDhiyabhorosi, zvavakabatwa naye vari vapenyu+ kuti vaite zvinodiwa naiyeye.