28 Nebhukadhinezari akapindura, akati: “Mwari waShadreki, Misheki naAbhedhinego ngaarumbidzwe,+ uyo atuma ngirozi yake+ ikanunura vashumiri vake vavimba naye,+ varamba shoko ramambo vakapa miviri yavo, nokuti vaisagona kushumira+ uye vaisagona kunamata+ chero mwari upi zvake kunze kwaMwari wavo.+