Eksodho 25:9 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 9 Maererano nezvose zvandiri kukuratidza somufananidzo wetebhenekeri uye mufananidzo wemidziyo yayo yose, igadzirei saizvozvo.+ Mabasa 7:44 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 44 “Madzitateguru edu akanga aine tende rouchapupu murenje, sokurayira kwaakaita paaitaura naMosesi kuti arigadzire maererano nomufananidzo waakanga aona.+ VaHebheru 8:5 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 5 asi vari vanhu vanoita basa dzvene riri mumufananidzo chaiwo+ uye mumvuri+ wezvinhu zvokudenga; sokupiwa murayiro kwakaitwa Mosesi naMwari+ paakanga ava kuda kugadzira tende rose:+ Nokuti iye anoti: “Ona kuti unogadzira zvinhu zvose maererano nomufananidzo wazvo wawakaratidzwa mugomo.”+ VaHebheru 10:1 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 10 Nokuti Mutemo zvauri mumvuri+ wezvinhu zvakanaka zvichauya, asi kwete zvinhu zvacho chaizvo, vanhu havangambogoni kuita kuti vaya vanoswedera pedyo vave vakakwana+ nezvibayiro zvakafanana zvavanogara vachipa gore negore.
9 Maererano nezvose zvandiri kukuratidza somufananidzo wetebhenekeri uye mufananidzo wemidziyo yayo yose, igadzirei saizvozvo.+
44 “Madzitateguru edu akanga aine tende rouchapupu murenje, sokurayira kwaakaita paaitaura naMosesi kuti arigadzire maererano nomufananidzo waakanga aona.+
5 asi vari vanhu vanoita basa dzvene riri mumufananidzo chaiwo+ uye mumvuri+ wezvinhu zvokudenga; sokupiwa murayiro kwakaitwa Mosesi naMwari+ paakanga ava kuda kugadzira tende rose:+ Nokuti iye anoti: “Ona kuti unogadzira zvinhu zvose maererano nomufananidzo wazvo wawakaratidzwa mugomo.”+
10 Nokuti Mutemo zvauri mumvuri+ wezvinhu zvakanaka zvichauya, asi kwete zvinhu zvacho chaizvo, vanhu havangambogoni kuita kuti vaya vanoswedera pedyo vave vakakwana+ nezvibayiro zvakafanana zvavanogara vachipa gore negore.