Zvirevo 15:1 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 15 Mhinduro, kana iri nyoro, inodzora kutsamwa,+ asi shoko rinorwadza rinomutsa hasha.+ Ruka 17:3 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 3 Zvichenjererei. Kana hama yako ikakutadzira itsiure,+ kana ikapfidza ikanganwire.+ VaGaratiya 6:1 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 6 Hama, kunyange mumwe munhu akadarika+ asati azviziva, imi mune zvinodiwa zvomudzimu+ edzai kururamisa munhu akadaro nounyoro,+ muchizvichenjerera,+ muchityira kuti nemiwo mungaedzwa.+ Tito 3:2 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 2 kuti varege kutaura zvinokuvadza pamusoro pomunhu chero upi zvake, kuti varege kurwa,+ kuti vave vanonzwisisa,+ vachiratidza unyoro kuvanhu vose zvizere.+ 1 Petro 3:15 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 15 Asi tsvenesai Kristu saShe mumwoyo menyu,+ muchigara makagadzirira kuzvidzivirira+ kune munhu wose anokubvunzai chikonzero chetariro iri mamuri, asi muchiita izvozvo nounyoro+ noruremekedzo rukuru.
6 Hama, kunyange mumwe munhu akadarika+ asati azviziva, imi mune zvinodiwa zvomudzimu+ edzai kururamisa munhu akadaro nounyoro,+ muchizvichenjerera,+ muchityira kuti nemiwo mungaedzwa.+
2 kuti varege kutaura zvinokuvadza pamusoro pomunhu chero upi zvake, kuti varege kurwa,+ kuti vave vanonzwisisa,+ vachiratidza unyoro kuvanhu vose zvizere.+
15 Asi tsvenesai Kristu saShe mumwoyo menyu,+ muchigara makagadzirira kuzvidzivirira+ kune munhu wose anokubvunzai chikonzero chetariro iri mamuri, asi muchiita izvozvo nounyoro+ noruremekedzo rukuru.