Zvirevo
15 Mhinduro, kana iri nyoro, inodzora kutsamwa,+ asi shoko rinorwadza rinomutsa hasha.+
2 Rurimi rwevakachenjera runoita zvakanaka nezivo,+ asi muromo wemapenzi unobudisa upenzi.+
3 Maziso aJehovha ari pose pose,+ achiramba akatarira vakaipa nevakanaka.+
4 Kudzikama kworurimi muti woupenyu,+ asi kusarurama kuri maruri kunoreva kuputsika kwomudzimu.+
5 Benzi hariremekedzi kuranga kwababa varo,+ asi munhu anobvuma kutsiurwa ane njere.+
6 Mumba momunhu akarurama muzere zvinhu zvakachengetwa,+ asi zvibereko zvomunhu akaipa zvichaita kuti aunzirwe dambudziko.+
7 Miromo yevakachenjera inoramba ichiparadzira zivo,+ asi mwoyo yemapenzi haina kudaro.+
8 Chibayiro chinopiwa nevakaipa chinhu chinosemesa Jehovha,+ asi munyengetero wevakarurama unomufadza.+
9 Nzira yomunhu akaipa chinhu chinosemesa Jehovha,+ asi iye anoda uya anotevera kururama.+
10 Kuranga kwakaipa kumunhu anosiya gwara;+ ani naani anovenga kutsiurwa achafa.+
11 Sheori nenzvimbo yokuparadzwa+ zviri pamberi paJehovha.+ Zvakadini nemwoyo yevanakomana vevanhu!+
12 Museki haadi munhu anomutsiura.+ Haazoendi kune vakachenjera.+
13 Mwoyo unofara unoita kuti chiso chifare,+ asi mudzimu unotambudzika nokuda kwokurwadziwa kwomwoyo.+
14 Mwoyo unonzwisisa ndiwo unotsvaka zivo,+ asi muromo wemapenzi ndiwo unotsvaka upenzi.+
15 Mazuva ose omunhu anotambudzika akaipa;+ asi munhu ane mwoyo unofara anoita mutambo nguva dzose.+
16 Zviri nani kuva nezvishoma uchitya Jehovha+ pane kuva nezvizhinji iwe uchivhiringidzwa nazvo.+
17 Zviri nani kuva nezvokudya zvomuriwo paine rudo+ pane kuva nenzombe yakakodzwa asi paine ruvengo.+
18 Murume akatsamwa anomutsa kukakavara,+ asi anononoka kutsamwa anonyaradza kupopota.+
19 Nzira yesimbe yakaita soruzhowa rwemakwenzi ane minzwa,+ asi gwara revakarurama inzira yakagadzirwa.+
20 Mwanakomana akachenjera ndiye anofadza baba,+ asi benzi rinozvidza amai varo.+
21 Munhu ane mwoyo usina njere anoti upenzi kufara,+ asi munhu ane ungwaru ndouya anoenda akananga mberi.+
22 Pasina kurangana, zvirongwa hazvibudiriri,+ asi pane vanhu vazhinji vanopa mazano pane zvinobudirira.+
23 Munhu anofarira mhinduro yomuromo wake,+ uye shoko rinotaurwa panguva yakakodzera, haiwa rakanaka sei!+
24 Kumunhu ane njere, gwara roupenyu riri kumusoro,+ kuitira kuti anzvenge Sheori iri pasi.+
25 Jehovha achaputsa imba yevanozvikwidziridza,+ asi achasimbisa muganhu wechirikadzi.+
26 Mazano omunhu akaipa chinhu chinosemesa Jehovha,+ asi mashoko anofadza akachena.+
27 Munhu anowana mubereko usina kururama anounzira imba yake dambudziko,+ asi munhu anovenga pfumbamuromo ndiye acharamba achirarama.+
28 Mwoyo womunhu akarurama unofungisisa kuti upindure,+ asi miromo yevakaipa inobudisa zvinhu zvakaipa.+
29 Jehovha ari kure nevakaipa,+ asi anonzwa minyengetero yevakarurama.+
30 Kupenya kwemaziso+ kunofadza mwoyo;+ mashoko+ akanaka anokodza mapfupa.+
31 Nzeve inoteerera kutsiura+ kunopa upenyu inogara pakati chaipo pevanhu vakachenjera.+
32 Munhu anoramba kurangwa+ ari kuramba mweya wake, asi munhu anoteerera kutsiurwa ari kuwana mwoyo une njere.+
33 Kutya Jehovha ndiko kurangwa kunounza uchenjeri,+ uye kuzvininipisa kunotangira kukudzwa.+