RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Genesisi 2:24
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 24 Ndokusaka murume achasiya baba vake naamai vake uye achanamatira kumudzimai wake,* uye vachava nyama imwe.+

  • Genesisi 20:3
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 3 Mwari akazouya kuna Abhimereki kuhope usiku akati kwaari: “Wangofanana nemunhu akafa nemhaka yemukadzi wawatora,+ nekuti akaroorwa, mukadzi wemunhu.”+

  • Genesisi 20:6
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 6 Mwari wechokwadi akabva ati kwaari kuhope: “Ndinoziva kuti wakazviita usina pfungwa yekuita zvakaipa, saka ndakakudzivisa kuti urege kunditadzira. Ndokusaka ndisina kukubvumira kumubata.

  • Pisarema 51:mashoko ekusuma
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • Kumutungamiriri. Rwiyo rwaDhavhidhi, pakauya muprofita Natani kwaari pashure pekunge Dhavhidhi arara naBhati-shebha.+

  • Pisarema 51:4
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    •  4 Ndakanyanya kutadzira imi;*+

      Zvandakaita pamberi penyu zvakaipa.+

      Saka makarurama pamunotaura,

      Mitongo yamunopa yakarurama.+

  • Mako 10:7, 8
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 7 Ndokusaka murume achasiya baba vake naamai vake,+ 8 uye vaviri vacho vachava nyama imwe,’+ zvekuti havasisirizve vaviri, asi nyama imwe.

  • VaHebheru 13:4
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 4 Wanano ngaikudzwe nevanhu vese, uye mubhedha wevakaroorana ngaurege kusvibiswa,+ nekuti Mwari achatonga vese vanoita zveupombwe,* vangava vari muwanano kana kuti vasiri.+

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe