-
Eksodho 10:8-11Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
8 Saka Mozisi naAroni vakadzoswa kuna Farao, iye akati kwavari: “Chiendai munoshumira Jehovha Mwari wenyu. Asi ndivanaani vacho vari kuenda?” 9 Mozisi akabva ati: “Tichaenda nevadiki vedu, vakwegura vedu, vanakomana vedu, vanasikana vedu, makwai edu, nemombe dzedu,+ nekuti tichaitira Jehovha mutambo.”+ 10 Akati kwavari: “Kana ndikakuregai imi nevana venyu muchienda, zvechokwadi ndingati Jehovha anemi!+ Zviri pachena kuti muri kuda kuita zvakaipa. 11 Hazviiti! Varume chete ndivo vachaenda kunoshumira Jehovha, nekuti ndizvo zvamakakumbira.” Vakabva vadzingwa pamberi paFarao.
-