-
Joshua 2:9-11Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
9 Akati kuvarume vacho: “Ndinoziva kuti Jehovha achakupai nyika,+ uye tiri kukutyai.+ Vagari vese vemunyika vapera simba nemhaka yenyu,+ 10 nekuti takanzwa nezvekuomesa kwakaita Jehovha mvura yeGungwa Dzvuku pamberi penyu pamakabva kuIjipiti+ uye zvamakaita kumadzimambo maviri evaAmori, Sihoni+ naOgi,+ avo vamakaparadza mhiri* kwaJodhani. 11 Patakazvinzwa, takatya, uye hapana munhu achine ushingi hwekukurwisai, nekuti Jehovha Mwari wenyu ndiMwari kumusoro kudenga nepasi pano.+
-