-
Eksodho 31:13, 14Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
13 “Taura nevaIsraeri uvaudze kuti, ‘Munofanira kuva nechokwadi kuti machengeta masabata angu,+ nekuti iwo chiratidzo pakati pangu nemi muzvizvarwa zvenyu zvese kuti muzive kuti ini, Jehovha, ndiri kukutsvenesai. 14 Munofanira kuchengeta Sabata, nekuti iro chinhu chitsvene kwamuri.+ Munhu wese anorisvibisa anofanira kuurayiwa. Kana pakava nemunhu anoita basa pariri, munhu iyeye anofanira kubviswa pakati pevanhu vake.*+
-
-
Dheuteronomi 5:12-14Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
12 “‘Chengeta zuva reSabata uriite dzvene, sezvawakarayirwa naJehovha Mwari wako.+ 13 Unofanira kushanda uchiita basa rako rese kwemazuva matanhatu,+ 14 asi zuva rechinomwe isabata rinoitirwa Jehovha Mwari wako.+ Usaita chero basa ripi zvaro,+ iwe kana mwanakomana wako kana mwanasikana wako kana murandarume wako kana murandasikana wako kana mombe yako kana dhongi rako kana chipfuwo chako chero chipi zvacho kana mutorwa wako ari mumaguta* ako,+ kuti murandarume wako nemurandasikana wako vazororewo sewe.+
-