Eksodho 32:30 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 30 Zuva rakatevera racho, Mozisi akati kuvanhu: “Makaita chivi chakakura, saka iye zvino ndava kukwira kuna Jehovha kuti ndione kana ndingagona kukuyananisai naye pachivi chenyu chamakaita.”+ Revhitiko 16:17 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 17 “Hapana mumwe munhu anofanira kunge ari mutende rekusanganira kubvira paanopinda kuti ayananisire ari munzvimbo tsvene kusvikira abuda. Achazviyananisira iye pamwe neimba yake+ neungano yese yaIsraeri.+ Numeri 15:25 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 25 Mupristi anofanira kuyananisira ungano yese yevaIsraeri, uye vacharegererwa,+ nekuti vakaita vasingazivi, uye nekuti vakauya nechibayiro chavo chinopisirwa Jehovha nechibayiro chavo chechivi pamberi paJehovha chekukanganisa kwavakaita. VaEfeso 1:7 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 7 Naye tinosunungurwa nerudzikinuro kuburikidza neropa rake,+ tichiregererwa zvitadzo zvedu+ maererano nekuwanda kwenyasha dzaMwari. VaHebheru 2:17 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 17 Saka aifanira kuva sehama dzake pazvinhu zvese,+ kuti ave mupristi mukuru ane tsitsi uye akatendeka pazvinhu zvine chekuita naMwari, kuti ape chibayiro chekuyananisa+ zvivi zvevanhu.+
30 Zuva rakatevera racho, Mozisi akati kuvanhu: “Makaita chivi chakakura, saka iye zvino ndava kukwira kuna Jehovha kuti ndione kana ndingagona kukuyananisai naye pachivi chenyu chamakaita.”+
17 “Hapana mumwe munhu anofanira kunge ari mutende rekusanganira kubvira paanopinda kuti ayananisire ari munzvimbo tsvene kusvikira abuda. Achazviyananisira iye pamwe neimba yake+ neungano yese yaIsraeri.+
25 Mupristi anofanira kuyananisira ungano yese yevaIsraeri, uye vacharegererwa,+ nekuti vakaita vasingazivi, uye nekuti vakauya nechibayiro chavo chinopisirwa Jehovha nechibayiro chavo chechivi pamberi paJehovha chekukanganisa kwavakaita.
7 Naye tinosunungurwa nerudzikinuro kuburikidza neropa rake,+ tichiregererwa zvitadzo zvedu+ maererano nekuwanda kwenyasha dzaMwari.
17 Saka aifanira kuva sehama dzake pazvinhu zvese,+ kuti ave mupristi mukuru ane tsitsi uye akatendeka pazvinhu zvine chekuita naMwari, kuti ape chibayiro chekuyananisa+ zvivi zvevanhu.+