-
Dheuteronomi 30:1-3Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
30 “Kana mashoko ese aya aitika kwauri, chikomborero nekutukwa zvandaisa pamberi pako,+ wozviyeuka mupfungwa dzako*+ uri kunyika dzaunenge waparadzirwa kwadziri naJehovha Mwari wako,+ 2 wodzoka kuna Jehovha Mwari wako,+ woteerera inzwi rake maererano nezvese zvandiri kukurayira nhasi, iwe nevanakomana vako, nemwoyo wako wese nemweya* wako wese,+ 3 Jehovha Mwari wako achabva adzosa vanhu vako vanenge vatapwa,+ okunzwira tsitsi,+ okuunganidzazve kubva mumarudzi ese aunenge waparadzirwa kwaari naJehovha Mwari wako.+
-
-
Dheuteronomi 30:8-10Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
8 “Uchabva wadzoka woteerera inzwi raJehovha, wochengeta mirayiro yake yese yandiri kukurayira nhasi. 9 Jehovha Mwari wako achaita kuti ubudirire zvikuru pamabasa ese emaoko ako,+ achiita kuti uve nevana vakawanda nezvipfuwo zvakawanda, nezvibereko zvevhu rako zvakawanda, nekuti Jehovha achafarirazve kuti ubudirire, sekufarira kwaakaita madzitateguru ako.+ 10 Nekuti ipapo uchateerera inzwi raJehovha Mwari wako uye uchachengeta mirayiro nemirau yake yakanyorwa mubhuku rino reMutemo, uye uchadzoka kuna Jehovha Mwari wako nemwoyo wako wese nemweya* wako wese.+
-
-
1 Madzimambo 8:48, 49Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
48 uye vodzoka kwamuri nemwoyo yavo yese+ nemweya* yavo yese vari munyika yevavengi vavo vanenge vavatapa, vonyengetera kwamuri vakatarisa kunyika yavo yamakapa madzitateguru avo, nekuguta ramakasarudza nekuimba yandakavakira zita renyu,+ 49 inzwai muri kudenga, iyo nzvimbo yenyu yamunogara,+ munyengetero wavo nekukumbira kwavo kunzwirwa nyasha, muvabatsire
-