-
Dheuteronomi 23:3-6Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
3 “Hapana muAmoni kana muMoabhi anobvumirwa kupinda muungano yaJehovha.+ Kunyange kusvikira kuchizvarwa chechigumi, hapana mwana wavo anotombobvumirwa kupinda muungano yaJehovha, 4 nekuti havana kukubatsirai nezvekudya nemvura pamaibva kuIjipiti,+ uye nekuti vakanobhadhara Bharami mwanakomana waBheori wekuPetori yeMesopotamiya kuti akutukei.+ 5 Asi Jehovha Mwari wenyu akaramba kuteerera Bharami.+ Jehovha Mwari wenyu akatochinja kutuka kwacho kuti kuve chikomborero kwamuri,+ nekuti Jehovha Mwari wenyu aikudai.+ 6 Hamufaniri kuvabatsira kuti vagare zvakanaka kana kuti vabudirire mumazuva enyu ese.+
-